Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti rinotambira nemufaro kuvepo kwemutemo unotara mashandiro eTripartite Negotiating Forum kana kuti TNF.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sevashandi vanofara kuti pave nehwaro hwekuti nhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende dzive pamutemo, sezvo kwemakore makumi maviri adarika TNF yanga ichishanda zvisiri pamutemo.
Musangano wekutanga weTNF pave nemutemo uyu uri kutarisirwa kuitwa nemusi weChitatu svondo rino, apo panotarisirwawo kukurukurwa zvakati wandeyi zvinobata TNF zvakaunganidzwa masvondo maviri adarika pamusangano wakaitwa kuKadoma.
VaMoyo vanoti zvimwe zvichakurukurwa zvichabva kukomiti yakaiswa kuti itarise matambudziko akatarisana nenyika mune zveupfumi uye zvinosanganisira matambudziko akatarisana nenyika anosanganisira kushaikwa kwemagetsi nemvura munyika.
Studio 7 yakundikana kubata divi revashandirwi pamwe nehurumende.
Facebook Forum