Accessibility links

Breaking News

Gurukota reChina Rinoona nezveKudyidzana neDzimwe Nyika Rinopinda muZimbabwe


Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muChina, VaWang Yi, vakapinda muZimbabwe neMugovera murwendo rwemazuva matatu.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muChina, VaWang Yi, vakapinda muZimbabwe neMugovera murwendo rwemazuva matatu.

Gurukota reChina rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaWang Yi, vakapinda munyika neMugovera manheru murwendo rwavo rwekupedzisira rwekushanyira nyika shanu dzemuAfrica.

VaWang, avo vakashanyirawo Egypt, Djibouti, Eritrea neBurundi, vari kutarisirwa kuve munyika kwemazuva matatu, uye neMuvhuro vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, avo vari pazororo ravo repagore.

VaMnangagwa vanonzi vachambosiya zororo ravo kuti vasangane nemuyenzi wavo uyu, kunyange hazvo mutewedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga vari ivo vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika.

Bepanhau reSunday Mail rinoti gurukota iri rakatumwa nemutungamiri weChina VaXi Jingpin murwendo rwunonzi rwakakosha zvikuru urwu.

Nhume dzemutungamiri weChina dzinonzi dzinopinda muAfrica kutanga kwegore roga-roga senzira yekusimbaradza kudyidzana mune zveupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

China ine mabasa ebudiriro akawanda ainonzi iri kubatsira nawo Zimbabwe, kusanganisira kuvakwa kweparamende itsva muHarare.

Nyika iyi inobatsirawo Zimbabwe nezvakawanda zvinosanganisira zvekudya zvakaita semupunga.

Asi vamwe, kusanganisira vanopikisa hurumende, vanoshoropodza hukama hwenyika mbiri idzi vachiti huri kuremera divi rimwechete setsvimbo sezvo Zimbabwe iri iyo iri kutorerwa hupfumi hwayo neChina.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti vanoona sekunge rwendo rwaVaWang urwu rwakakosha zvikuru sezvo Zimbabwe neChina dziine hukama hwunobva kure.

VaMutasa vanoti havaoni sekunge Zimbabwe ndiyo iri kurasikirwa zvakanyanya, asi kuti zviri kuhutungamiri hwenyika dzinenge dziine hushamwari idzi kuti dzichengetedze hukama hwadzo, vachiti kana China yakakwanisa kuwana zvakawanda zvinoreva kuti hutungamiri hweZimbabwe ndihwo hunenge husina kurongeka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG