Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump Vanotura Mashoko avo kuMhuri yeAmerica.


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vachitura mashoko avo kumhuri yeAmerica.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vachitura mashoko avo kumhuri yeAmerica.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vatura mashoko kunyika yavo etatu kubva zvavasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, kana kuti 3rd State of The Union, vari mudare reparamende yepasi kana kuti Representatives muWashington DC, vachiti vanofara kuti vari kumira pamberi pedare iri vaine mufaro nekuda kwesimukira kweupfumi hwenyika, kwavati kudzoka kune mutsindo kweAmerica, kana kuti “the Great American Comeback.”

Vachichingamidza nhengo dzeparamende pamwe nemaseneta vanga vari kudare, mudzimai wavo, pamwe nezvizvarwa zveAmerica zvose, VaTrump vati mukati menguva pfupi vakakwanisa kuparadza maonero ekuti America iri kudzikira uye varamba kudzikisirwa kweremangwana reAmerica..

“Mukati memakore matatu mapfupi, takwanisa kuputsa pfungwa yekuti America iri kudonha uye taramba kuduputswa kwezviitiko zveAmerica mune remangwana. Tiri kuenda mberi nemafambiro akanga asingafungidzirwi munguva pfupi yadarika, uye hatisi kuzodzokera shure.”

Mutungamiri weAmerica atiwo muono wavari kuzoburitsa unoratidza kuti vari kuvaka sei nyika ine budiriro inokunda dzimwe dzose pasi rose uye isina rusarura, yekuti ani nani zvake anokwanisa kupinda mubudiriro yayo isina anoenziswa nayo, uyewo yekuti vanhu vanokwanisa kuve nechekuita mukusimukira kwayo.

“Muono wandiri kuzoburitsa manheru ano unoratidza kuti tiri kuvaka sei nyika ine budiriro inokunda dzimwe dzose pasi rose uye isina rusarura, yekuti ani nani zvake anokwanisa kupinda mubudiriro yeAmerica isina wainoenziswa naye, uyewo yekuti vanhu vanokwanisa kuve nechekuita mukusimukira kwayo.”

Panyaya yeupfumi hwenyika, VaTrump vati kubva pavakapinda pachigaro chemutungamiri wenyika, vakashanda zvakasimba kumutsiridza hupfumi hwenyika yavo.

“Kubva pandakangopinda muhofisi, ndakafamba nekukasika mukumutsiridza hupfumi hweAmerica, kubvisa mitemo ine chitsama inouraya kuwanikwa kwemabasa, kuderedza mitero, uye kurwira kuti pave kutengeserana kwakaenzana kunofadza mativi ose.”

Vati mumatemu maviri ehurumende yaivepo vanhu vakawanda vaive vachiri mazera ekushanda vakabuda mabasa.

VaTrump vatiwo huwandu vatema vemuAmerica pamwe neverudzi rweHispanic vasingashande hwakaderera kekutanga munhoroondo yeAmerica pasi pehutongi hwavo.

“Huwandu hwevatema vemuAmerica, vechiHispanic vemuAmerica pamwe nevechi Asian vemuAmerica hwasvika padanho rakadereresa munhoroond. Vatema vemuAmerica vechidiki vashngashande vaderera zvisati zvamboitika. Hurombo muvatema vemuAmerica hwaderera kusvika pachdanho chisati chambisvikwa.”

Vatiwo huwandu hwemadzimai apinda mabasa hwasvika pazvikamu makumi manomwe kubva muzana pasi pehutongi havo.

“Mumakore masere ehurumende yaivepo, vanhu vanodarika mazana matatu ezviuru vakanga vachiri mazera ekuve pamabasa vakabuda kubva muvashandi. Mumakore matatu chete ehurumende yangu, vanhu vanosvika mamiriyoni matatu nechidimbu vachiri kukwanisa kushanda vakapinda mabasa.”

Vati zvizvarwa zveAmerica zvinodawo hutano hwakanaka, hwunowanikwa.

“Hupenyu hwakanaka kumhuri yeAmerica hunodawo kuti hunge huchiwanikwa nyore, uye huri hwepamusoro mupasi rose”

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Panyaya yekutengeserana neChina, VaTrump vati mazuva mashoma adarika vakanyorerana chibvumirano chitsva nenyika iyiicho chichachengetedza vashandi vemuAmerica.

“Kwemakore akawanda China yanga ichibatira America, iye zvino tashandura izvozvo asi, panguva imwecheteyo, tave nehukama hwakanaka hwatisati tamboita neChina, kusanganisira mutungamiri wacho VaXi Jingpin.”

Mutungamiri wenyika uyu ati apo vari kudzosera Hutungamiri hweAmerica pasi rose, vari kusimuka zvakare vachirwira rusunungo mudunhu ravo.

“Ndizvo saka Hutungamiri hwangu hwakabvisa mitemo yaikundikana yehutumende yakanga iripo panyaya yeCuba. Tiri kutsigira tarisiro yevanhu vekuCuba, Nicaragua, uye Venezuela kuitira kudzora hutongo hwejekerere. America iri kutungamira nyika makumi mmashanu nepfumbamwe kurwisana nehurumende yaVaNicolas Maduro ku Venezuela. Hutongo hwaVaMaduro huchaparadzwa. Nhasi manheru ano tine mutungamiri chaiye weVenezuela, VaJuan Guaido.”

Vati VaGuaido vanofanirwa kutakura mashoko aya kudzokera nawo kumusha kwavo, uye varangarire kuti rusununguko rwunobatanidza vanhu.

VaTrump vatiwo kuchengetedza rusunguko rweAmerica, vakadira mari yakawanda kumauto enyika yavo kuburikidza nekuumba boka remauto idzva rinorwa hondo dzinosanganisira dzezvitundumuseresere.

“Mukuchengetedza rusununguko rweAmerica, takaisa mari yakawandisa inoita madhora 2.2 trillion kumauto eAmerica. Takavhura boka idzva mumauto eAmerica remauto eSpace Force”

VaTrump vati America inofanirwa kuve nzvimbo inogara zvizvarwa zveAmerica zvinochengetedza mutemo, kwete makororo.

“Hurumende yangu yakatora matanho asati amboitwa ekudzivirira muganhu wedu neMexico uri kuchamhembe. Hurumende yangu iri kutorawo matanho ekuchengetedza nyika zvakasimba.”

Vati apo vari kudzivirira America, vari kushandawo kupedza hondo dzeAmerica neMiddle East.

“Madzitateguru edu akavaka nyika yakasiyana nedzimwe isati yamboonekwa munhoroondo yehupenyu hwevanhu, uye tiri kuramba tichiita kuti ikoshe kudarika zvayaive.

Seyave tsika yebato rinopikisa reDemocratic Party yekuti rinodoma nhengo dzinenge dzichiri kusimukira kuti dzipindure mashoko aVaTrump, gore rino bato iri radoma gavhuna veMichigan, Amai Gretchen Whitmer, avo vati bato reDemnocratic Party rinongoda kuti pave nehutano hwakanaka..

“Zviri nyore. MaDemocrats ari kuedza kuti hutano hwenyu huve nani. maRepublicans muWashington ari kuedza kuhutora.

Amai Whitmer vatiwo vashandi vemuAmerica vari kurwadzikana.

“Vashandi vemuAmerica vari kurwadzikana. Mudunhu rangu ini. Vavakidzanio vedu iWisconsi neOhio nePennsylvania. Nyika yose. Mihoroi yakamira, panguva iyo mihoro yevakuru vemakambani yakakwidzwa zvisati zvamboitika.”

Bato iri radomawo Amai Veronica Escobar, vanove mumiriri wedunhu reTexas muparamende, kuti vapindurewo mashoko aVaTrump aya mururimi rweSpanish.

Nyanzvi mune zveupfumi vachidzidzisa paDevry University kuOhio muno muAmerica, Professor Elliot Masocha vanoti VaTrump vatura mashoko akanangana nehurongwa hwavo hwekuti America ive nyika yakakosha zvakare, vachiti zvinogona kunge zviri izvo zvaita kuti vasataure nzvenyika dzakaita seAfrica kana Britain.

VaTrump vapawo mubairo mukuru wenyika wePresidential Medal of Freedom kuna VaRush Limbuagh, avo vari kurwara negomarara rechiropa.

.VaTrump vatura mashoko avo panguva iyo vari kutongwa vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisizvo pamwe nekuzvidza dare reparamende, kana kuti impeachment.

Hurongwa hwekuda kuvabvisa pachigaro uhwu hwakatangwa nedare reparamende yepasi gore rapera, munove ndimo mavatura mashoko avo vari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG