Mumwe wevanhu vari kushuvira kuti dai zvinhu zvagadzikana kuZimbabwe nekukasika, ndaVaNyanhi Bote, vari kuBoston, mudunhu re Massachusetts, avo vari kushanda samakanika pari zvino.
Mutongi wedare ramejasiteri muGweru Muzvare Pathekile Msipa vapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuna meya weguta reGweru VaHamutendi Kombayi, pamwe nevamwe vavo vaviri vanoti mutewedzeri wavo VaArtwell Matyorauta, pamwe nemunyori mukuru akambomiswa basa VaDaniel Matawu.
VaZindi vanoti gwaro rakaburitswa neZimbabwe Vulnerability Assessment Survey rakaburitswa mwedzi wapera rinoratidza kuti vanhu vanosvika 2.8 million vari kumaruwa vanoda rubatsiro rwechikafu.
Bato idzva rinopikisa reZimbabwe People First rinoti rinoshoropodza zvikuru mhirizhonga yakaitika kunhengo dzaro mukupera kwesvondo mumusha weGlen View.
Meya weguta reGweru, VaHamutendi Kombayi pamwe nevakambomiswa basa semunyori mukuru weguta iri VaDaniel Matawu, avo vakasungwa nemusi weChina, vanonzi vachiri muhusungwa sezvo mapurisa asina kuda kuvaendesa kudare redzimhosva sezvanga zvakatarisirwa.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuramba zvichisimudza mureza wenyika nenzira dzakasiyanasiyana, kusanganisira kushanda mumakambani ezvenhau.
Kanzuru yeguta reHarare inoti yatara chirwere che typhoid sengozi kana kuti outbreak, zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi matatu nemumwe nechirwere ichi.
Gweta riri kumirira mhuri yekwaDzamara richishanda ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights, VaShar`on Hofisi, vanoti mapurisa haana kunyatsojekesa zvikonzero zvaari kurambidzira mhuri iyi kuti ipinde mumigwagwa ichi cherechedza nguva yapedzwa naVaItai Dzamara vatsakatika.
Vagari vemudunhu re Mhondoro-Mubaira vari kupinda neMugovera musarudzo yekutsvaga munhu achatsiva vaive mumiriri wedunhu iri mudare reparamende, VaSlyvester Nguni, avo vakadzingwa mubato iri vachipomerwa mhosva yekutsigira chikwata cha Amai Joice Mujuru.
Vana chiremba vari kutanga mabasa muzvipatara zvehurumende, avo vari kuramwa mabasa vachiramba danho rehurumende rekuti vashande vasina kubairwa zvitupa, vasangana nevakuru vakuru mubazi rezvehutano mumusangano wekuedza kupedza gakava riripo
Rurimi rwechi Nuu rwunotaurwa nerumwe rudzi rwudukuduku rwunowanikwa mugwenga reKalahari muSouth Africa, rweKhomani San, rwunonzi rwatarisana nekuparara
Bato reMDC T rinoti rinokatyamadzwa zvikuru nekusaratidza hany’a kwarinoti kuri kuitwa nehurumende yeZanu PF mukuona kuti bumbiro remitemo yenyika raremekedzwa kuburikidza nekupa masimba kumatunhu.
NeMugovera dunhu reGreat Zimbabwe Monuments kuMasvingo rakave muzinda wemafaro zvichitevera mabiko ekupemberera bhavhadhe remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe akaitirwa panzvimbo iyi, izvo zvakaita kuti vemamana epedyo neekure vakakoromoke kunodya nekunwa.
Bato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti riri kushora zvikuru danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekupa chipo chemombe dzinotsika mazana matatu kusangano re African Union.
Vakafanobata chigaro chemutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti mashoko aVaKasukuwere ekuda kuvandudza mutemo kuitira kuti vapfumi chete vapinde mumakanzuru ipfungwa yemunhu asingaremekedzi varombo, izvo bato ravo ravo rinoshura zvikuru.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri kurova pamwe nekutsikisa mhanzi chiri kuBotswana, Tawanda Kasaira, uyo anonyanyozivikanwa nezita rebasa rekuti Doctor Tawanda Benson, anoti ari kufara zvikuru nemukurumbira waawana nekambo kake kanetsa, “Unconquerable”
Kambani inogadzira shuga, yeTongaat Hulett iri kuChiredzi nekuTriangle inonzi yakamisa mabasa vashandi zviuru zvina nemazana matatu vanonzi vakapinda mukuramwa mabasa, uye vamwe vasina kudzingwa mabasa vanonzi vari kubatirwa mari dzemazuva avasina kuenda kumabasa munguva imwecheteyo
Hurumende yamisa kushanda kwemakambani ose ari kuchera mangoda munyika kubva nhasi ichiti haasisina mvumo yekushanda munyika sezvo isina kupa makambani aya marezinesi.
Kanzuru yeguta reHarare inoti ine hurongwa hwekuti vose vari kutengesera munzvimbo dzisingabvumidzwi mumusha weMbare, vange vachiiswa panzvimbo yakaonekwa seyakakodzera kuti vashandire.
Rodhai zvimwe