Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoshora Danho raVaMugabe Vopa AU Chipo cheMombe Mazana Matatu


Food and Farm Livestock Antibiotics
Food and Farm Livestock Antibiotics

Bato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti riri kushora zvikuru danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekupa chipo chemombe dzinotsika mazana matatu kusangano re African Union.

Bato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti riri kushora zvikuru danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekupa chipo chemombe dzinotsika mazana matatu kusangano re African Union.

MDC-T inoti izvi zvinoshamisa kuti VaMugabe vanoita zvakadai, panguva iyo nyika iri kukangwa nenzara inotysa.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti zvaitwa naVaMugabe hazvina kusiyana nababa vemusha vanosiya imba yavo ichitsva vachimhanyira kunodzima moto uri kupisa imba yemuvakidzani wavo.

Pakusiya kwavo husachigaro hwesangano re African Union, VaMugabe vakashoropodza tsika yenyika dzemuAfrica yekutarisira zvipo nerubatsiro kubva kunyika dzekunze, vakavimbisa kuti vaizopa mombe senzira yekukurudzira nyika dzemuAfrica kuti dzisangovimba nerubatsiro rwekumawirira chete.

Bepanhau reHerald rinoti mombe idzi dzakasvitswa kusangano iri kuburikidza nemutevedzeri wasachigaro we African Union Commission, VaErastus Mwencha, avo vakasvika munyika neChina kuzotambira chipo ichi.

Mombe idzi dzinonzi dzakabviswa nevanhuwo zvavo vaida kubatsira. Kusvika pari zvino nyika inonzi yarasikirwa nezviuru zvemombe kubva kunzara yakabata nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG