Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Havakwanisi Kumisa Kupesana Kuri muZanu PF?


Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vachicheka keke rebhavhadhe remurumwe wavo, VaRobert Mugabe
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vachicheka keke rebhavhadhe remurumwe wavo, VaRobert Mugabe

NeMugovera dunhu reGreat Zimbabwe Monuments kuMasvingo rakave muzinda wemafaro zvichitevera mabiko ekupemberera bhavhadhe remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe akaitirwa panzvimbo iyi, izvo zvakaita kuti vemamana epedyo neekure vakakoromoke kunodya nekunwa.

NeMugovera dunhu reGreat Zimbabwe Monuments kuMasvingo rakave muzinda wemafaro zvichitevera mabiko ekupemberera bhavhadhe remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, akaitirwa panzvimbo iyi, izvo zvakaita kuti vemamana epedyo neekure vakakoromoke kunodya nekunwa.

VaMugabe, avo vakanga vachipemberera kusvitsa kwavo makore makumi mapfumbamwe nemaviri, vanonzi nebepanhau reSunday Mail vakatorawo mukana uyu kuraira zvakasimba dzimwe nhengo dzebato ravo, idzo vakati dziri kuomesa musoro dzichifunga kuti ndidzo midzimu yebato ravo reZanu PF.

VaMugabe vanonzi vakati havasi kuzotya kudzinga vanhu ava mubato, avo vavakati vari kushandisa vechidiki kusunda zvinangwa zvavo zvemapoka muZanu PF.

Mutungamiri wenyika vakatorawo mukana uyu kuyeuchidza vechidiki vebato ravo, avo vari kunetsana nevakarwa hondo yerusununguko, kuti varwi ava vava vakuru uye vakarwa hondo, vakati havadi kuti vadheererwe nevechidiki ava.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoshanda yakazvimirira, Doctor Takafavira Zhou, vanoti havaoni mashoko aVaMugabe ekukurudzira kuti mubato ravo muve nerunyararo aya achiteverwa nevakawanda.

Doctor Zhou vanoti vanodaro sezvo matambudziko akatarisana nebato reZanu PF mazhinji ari kubva mumba mavo ivo VaMugabe kuburikidza nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe.

“Nyaya hombe iri kungotaurwa nevanhu vakabva kubhavhadhe ndeyekuti VaMugabe vanofanirwa kutanga vawana kuti vachaita sei nemudzimai wavo, nekuti vanhu vakawanda vari kungotaura kuti nyaya hombe dziri kubva mumba maVaMugabe,” VaZhou vanodaro.

Vazhou vanotiwo zvakakosha zvikuru kuti VaMugabe vaonekwe vachitora matanho ekudzora kana kuranga chikwata chinonzi chinotsigira mudzimai wavo kana vachida kuti mubato mugadzikane.

Nyanzvi iyi inotiwo sezvo matakadya kare asinganyaradzi mwana, vagari vedunhu reMasvingo vamuka vakatarisana nechokwadi chemamiriro akaita zvinhu, sezvo vadzokerana nenzara yavo iyo vakambotiza kwezuva rimwe chete.

Vamwe vanoti VaMugabe havana kushandisa mukana wemusangano wavo neveruzhinji kuti varove shiri mbiri nedombo rimwechete zvekuti vangadai vakabva vataurawo pamusoro pematanho ari kutorwa nehurumende yavo mukugadzirisa dambudziko renzara yatekeshera nenyika yose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG