Accessibility links

Breaking News

Zanu PF ne Freedom Front Dzobayana muBy-Election yeMhondoro-Mubaira

ZESN

Vagari vemudunhu re Mhondoro-Mubaira vari kupinda neMugovera musarudzo yekutsvaga munhu achatsiva vaive mumiriri wedunhu iri mudare reparamende, VaSlyvester Nguni, avo vakadzingwa mubato iri vachipomerwa mhosva yekutsigira chikwata cha Amai Joice Mujuru.

Vachapinda musarudzo idzi ndaVa George Gangarahwe veZanu PF naVaRodwell Nyangani vebato re Freedom Front.

Mukuru wesangano rinoongorora sarudzo re Election Resource Center, VaTawanda Chimhini, vanoti vanoona sekunge sarudzo iyi ichaitwa zvakanaka sezvo Zimbabwe Electoral Commission ichiratidza kunge yakagadzirira.

Rimwewo sangano rinokurudzira sarudzo dzakachena munyika, re Zimbabwe Election Support Network, raburitsawo gwaro richiti nhengo dzaro dzichange dzichiongororawo sarudzo iyi.

Sangano iri rinoti richaisa vaongorori gumi nevashanu mukuedza kwaro kuda kuona kuti sarudzo iyi ichange ichifambiswa sei, uye kuti ichange ichifambiswa pachiteverwa mitemo yesarudzo here kana kuti kwete.

Mwedzi wapera bato reZanu PF rakapomerwa mhosva yekutyisidzira vanhu mudunhu iri zvichinzi rakati richatorera matanho akasimba vanhu vanenge vavhotera bato rinopikisa vasingavhoteri Zanu PF.

Hurukuro naVaTawanda Chimhini
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG