Accessibility links

Breaking News

VaWonder Guchu Vosimudza Mureza weZimbabwe Vari kuNamibia


Wonder Guchu
Wonder Guchu

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuramba zvichisimudza mureza wenyika nenzira dzakasiyanasiyana, kusanganisira kushanda mumakambani ezvenhau.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuramba zvichisimudza mureza wenyika nenzira dzakasiyanasiyana, kusanganisira kushanda mumakambani ezvenhau.

Chimwe chezvizvarwa izvi, VaWonder Guchu, vari kushanda semupepeti wenhau webepanhau reThe Namibian, rinove rimwe remapepanhau makuru emuNamibia.

Nekuona kuramba zvinhu zvichioma munyaya dzeupfumi munyika, mugore ra 2007 VaGuchu vakasunga twavo vakananga kuNamibia, mushure mekunge vamboyambuka mhiri kwemakungwa kuBritain vachinotsvaga mapfuro manyoro.

“Zvinhu zvakanga zvaoma panguva iyoyo. Waiti wakakwira kombi kuseni kuenda kubasa paunodzoka manheru mutengo wekufamba unenge wakwira,” vanodaro VaGuchu.

VaGuchu vanoti nekuda kuriritira mhuri yavo vakaona zvakakosha kuti vakake musasa muNamibia, umo vasina kunetseka kutsvaga basa sezvo vakanga vaine magwaro anoratidza hunyanzvi hwavo.

VaGuchu, avo vakadzidzira basa rehurairidzi paGweru Teachers’ College, vakambodzidzisawo muzvikoro zvakasiyanasiyana kuMasvingo neHarare kusanganisira Highfield High muHarare.

Vakashandawo semutori wenhau wemapepanhau akawanda anosanganisira reSunday Mail, Independent, neMoto.

VaGuchu, avo vakaberekwa mugore ra1969, vanonyorerawo zvakare mapepanhau makuru anoti reXinhua reku China pamwe neAfrican Independent, rinove bepanhau rakaparurwa mwedzi mishoma yadarika muSouth Africa richitarisa zviri kuitika muAfrica yose.

Vakanyorawo mabhuku maviri anoti “My Children, My Home”, ne “Sketches of High Density Life”, pamwe nemitambo yakawanda uye vakawanawo mibairo yakasiyanasiyana kuburikidza nekunyora kwavo.

“Ndichiri kunyora. Kunyora hakundinetsi nekuti ndiro basa rangu, saka pandinosvika kumba ndakangowana kamukana ndinonyora,” VaGuchu vanotsanangura.

Nekuda kwehunyanzvi hwavo, VaGuchu vanopota vachikokwa kunodzidzisa vamwe vatori venhau mumisangano yekurodza pfungwa, uyewo vanobatsira hama kumusha pano nepapo.

Vanoti kunyange hazvo vakapedzisira kuenda kumusha makore matatu apfuura pakashaya amai vavo, vachiri kutaura nehama dzavo vachinzwa zviri kuitika kumusha.

Asi vanoti nyaya dzebudiriro vave kudziitira kwavagere sezvo vachiti pavari ndipo panokosha.

“Kwaunenge uri ndokunenge kwatori kumusha. Saka hupfumi hwako hwaunenge uchiita uchiunganidza unenge uchiunganidzira panzvimbo iyoyo,” VaGuchu vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG