Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoramba Akachengetedza Meya weGweru VaKombayi


Meya weGweru VaHamutendi Kombayi. (Photo: Hamutendi Kombayi Facebook Page)
Meya weGweru VaHamutendi Kombayi. (Photo: Hamutendi Kombayi Facebook Page)

Meya weguta reGweru, VaHamutendi Kombayi pamwe nevakambomiswa basa semunyori mukuru weguta iri VaDaniel Matawu, avo vakasungwa nemusi weChina, vanonzi vachiri muhusungwa sezvo mapurisa asina kuda kuvaendesa kudare redzimhosva sezvanga zvakatarisirwa.

Vaviri ava vakasungwa vachipomerwa mhosva yekusashandisa nemazvo mahofisi avo pamwe nekushandisa mari dzekanzuru zvisizvo, uye vachiri muhusungwa vari paGweru central Police Station.

Rimwe remagweta ari kuvamirira, VaBrian Dube vanoti mapurisa aramba kuisa vasungwa ava mumaoko emagweta avo, kunyange hazvo pasina humbowo hunoratidza kuti vaviri ava vakapara mhosva dzavari kupomerwa.

“Chimwe chinoshamisa ndechekuti mapurisa haasi kuda kutaura kuti mumhan’yari ndiani panyaya iyi,” VaDube vanodaro.

VaDube vanoti vave kutarisira kuti varume vaviri ava vangangoendeswa kumatare edzimhosva neMugovera, ndiko kunge mapurisa aona zvakakodzera.

Asi vanoti vanofunga kuti kusungwa kwaVaKombayi kungoda chete kunyadzisa meya weGweru ava.

“Pamashandiro ekanzuru hapana panobata meya mari, meya havabati mari yekanzuru, havana responsibility iyoyo. But chandingangoda kuti nditaure ndechekuti kusimudzwa kwemhosva iyi kwakauya chete mushure mekunge meya nevamwe vavo makanzura vahwinha zvakanaka nyaya yavo kuHigh Court.” Vadube vanodaro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kusungwa kwaVaKombayi naVaMatawu kunouya panguva iyo dare repamusoro mwedzi wapera rakapa mutongo wekuti gurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSavior Kasukuwere vadzosere makanzura gumi nemumwe kusanganisira VaKombayi, avo vavakanga vamisa mabasa.

Kunyange hazvo paine mutongo wedare repamusoro uyu, hurumende inonzi haina matanho ayati yatora ekuti vadzoserwe pamabasa avo.

Zvichakadaro, bato reMDC T rasvora zvikuru kusungwa kwaVaKombayi naVaMatawu, richiti zvine zvematongerwo enyika mukati. Mutauriri weMDC T vaObert Gutu vanoti chiripo chete ndechekuda kunyadzisa bato ravo pamwe nameya weGweru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG