Accessibility links

Breaking News

VekwaDzamara Vokwira Matare Sezvo Vakanyimwa Mvumo neMapurisa Yekufora

VaItai Dzamara (kuruboshwe) naVaTichaona Danho (kurudyi) vachisungwa nemapurisa
VaItai Dzamara (kuruboshwe) naVaTichaona Danho (kurudyi) vachisungwa nemapurisa

Gweta riri kumirira mhuri yekwaDzamara richishanda ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights, VaShar`on Hofisi, vanoti mapurisa haana kunyatsojekesa zvikonzero zvaari kurambidzira mhuri iyi kuti ipinde mumigwagwa ichi cherechedza nguva yapedzwa naVaItai Dzamara vatsakatika.

Mhuri yemurwiri wekodzero akapambwa akatsakatika gore rapera, VaItai Dzamara, yakwirira mapurisa kumatare zvichitevera danho remapurisa rekuti hurongwa hwemusi weChitatu hwekucherechedza kusvitsa gore kwaVaDzamara vapambwa, husaenderere mberi.

Gweta riri kumirira mhuri yekwaDzamara richishanda ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights, VaShar`on Hofisi, vanoti mapurisa haana kunyatsojekesa zvikonzero zvaari kurambidzira mhuri iyi kuti ipinde mumigwagwa ichi cherechedza nguva yapedzwa naVaItai Dzamara vatsakatika.

VaHofisi vanoti mapurisa ari kungoti hurongwa uhu hunogona kuvhiringa kodzero dzevamwe vanhu, nekudaro haufanirwe kuitwa.

Vanoti nyaya iyi yakwidzwa zvechimbichimbi nekudaro ichanzwikwa neChipiri masikati naJustice Clement Phiri.

Mhuri yekwaDzamara mwedzi wapfuura yakanga yazivisa mapurisa nezvehurongwa hwekurangarira VaItai uhu kuburikidza netsamba yaitsanangura nezvehurongwa hwavo.

Asi zvinonzi yakazoshamiswa kunzwa mukupera kwesvondo mapurisa oti havafanirwi kuenderera mberi sezvo zvaive mutsamba yavo zvakanga zvisingapindirane nemutemo wePOSA.

“Pasi pebumbiro remitemo yenyika, mapurisa anongoziviswa chete, kwete kukumbirwa mvumo,” VaHofisi vanodaro.

Vanoti nekuona kwavo dare richaita kuti mhuri iyi neshamwari dzayo dzinosanganisira vemachechi nevemapato evzematongerwo enyika vaenderere mberi zvisina kumbunyikidzwa nemapurisa.

Asi vanoti kana zvakanga zvazoendawo nepamwe zvekuti dare rinotsigira mapurisa, mhuri yekwaDzamara inenge isina rimwe danho kunze kwekuungana pamba payo yoita munamato ipapo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG