Accessibility links

Breaking News

Kambani yeTongaat Hulett Inonzi Yakamisa Vamwe Vashandi Mabasa


Kambani inogadzira shuga, yeTongaat Hulett iri kuChiredzi nekuTriangle inonzi yakamisa mabasa vashandi zviuru zvina nemazana matatu vanonzi vakapinda mukuramwa mabasa, uye vamwe vasina kudzingwa mabasa vanonzi vari kubatirwa mari dzemazuva avasina kuenda kumabasa munguva imwe cheteyo.

Mukupera kwegore rapera vashandi vekambani iyi vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu vanonzi vakaramwa mabasa vachida kuti mihoro yavo ienzaniswe neyevashandi vekambani iyi vari kuSouth Africa neMozambique.

Vashandi vari kunyika idzi vanonzi vari kuita mabasa akafanana neari kuitwa nevari muZimbabwe vanonzi vari kutambira mazana matatu nemakumi mashanu emadhora pamwedzi, asi vemunyika vachihoreswa madhora zana nemakumi masere pamwedzi.

Studio 7 yaedza kunzwa divi rekambani yeTongaat Hulett panyaya iyi asi vataura vakamirira mukuru wekambani iyi anoona nezvemafambisirwo ebasa, Amai Adelaide Chikunguru, vati tiite zvekuvanyorera mibvunzo yedu.

Zvinonziwo vashandi havasi kudhonzera pamwe nekuda kwekuti mukambani iyi mune masangano maviri anomirira vashandi, izvo zvakaita kuti verimwe sangano vaende kumabasa panguvao iyo nhengo dzerimwe sangano dzairamwa mabasa.

VaAdonia Mutero, vanove nhengo yerimwe remasangano anomirira vashandi veTongaat Hulett, reZimbabwe Sugar Milling Industry Workers Union, vanoti hachisi chokwadi kuti kambani yakamisa vashandi mabasa nekuda kwekuti vakapinda mukuramwa mabasa.

VaMutero, avo vanove zvakare munyori mukuru wemubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi vemubandiko rechikafu reUnited Food and Allied Workers Union of Zimbabwe, vanoti vashandi vakamiswa mabasa vaive vashandi vaive vasina kubairwa zvitupa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00

XS
SM
MD
LG