Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica Choshuvira Kuti Zvinhu Zvinake Kumusha


Shungu, dambarefu raVaNyanhi Bote rekutanga
Shungu, dambarefu raVaNyanhi Bote rekutanga

Mumwe wevanhu vari kushuvira kuti dai zvinhu zvagadzikana kuZimbabwe nekukasika, ndaVaNyanhi Bote, vari kuBoston, mudunhu re Massachusetts, avo vari kushanda samakanika pari zvino.

Hazvisi zvose zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugutsikana nemagariro azviri kuita kunze kwenyika, sezvo vakawanda vachingoshuvira kuti dai kumusha kwaita zvakanaka vadzokera zvavo.

Mumwe wevanhu vari kushuvira kuti dai zvinhu zvagadzikana kuZimbabwe nekukasika, ndaVaNyanhi Bote, vari kuBoston, mudunhu re Massachusetts, avo vari kushanda samakanika pari zvino.

VaBote, avo vakaberekerwa mumusha weMbare makore makumi mashanu nerimwe apfuura, vanoti vave nemakore gumi nemashanu vapinda muno muAmerica.

Kunyange hazvo vakambokwanisa kudzokera kumusha muna 2012 negore rapera ra 2015, vanoti pavakauya muno vaifunga kuti vachangogara kwemakore maviri kana matatu vobva vadzokera zvavo kumusha.

Asi zvino vanoti zvinhu hazvisi kuvafambira sematarisiro avaiita vachabva kumusha, ukuwo kumusha kwacho hakuna chiri kufambawo.

VaBote, avo vaive foromani mukanzuru yeguta reHarare pavaive vachiri kumusha, vanoti pavakasvika muno vakashanda mabasa akawanda vachitsvaga kurarama kusvika vazowana basa ravo chairo rekugadzira dzimotokari.

Kunyange hazvo vave kuita basa ravo chairo, vanoti harisi kuvabhadhara zvakanaka sezvo vari kushanda maawa mashoma pazuva, izvo zvoita kuti vashandewo mazuva akawanda kuitira kuwedzera maawa avo pamwe nekushandisa motokari yavo kutakura vanhu pasi pekambani ye Uber.

"kumusha kwacho ndakamboedza kuita maproject ekuvaka dzimba, but vanhu vari kugara mudzimba dzacho vanenge vachingochemawo kuti havana mari, saka hakudzokereke kumusha kwacho," VaBote vanodaro.

VaBote vanozivikanwawo zvakare vachiita zvemumhanzi, uye vakatotsikisa dambarefu ravo richaparurwa munguva pfupi iri kutevera.

“Ndakatsikisa CD rangu rekutanga naMono rinonzi Shungu. Ndakaripa zita iri maererano nekurarama kwatinoita muhupenyu,” VaBote vanodaro.

Vanoti vakapa CD ravo zita iri vachitarisa makuriro avakaita muMbare umo maive neshasha dzairatidza kuti dzine mari, asi kazhinji kacho mari iyi inenge isina kuwanikwa nemabasa akanaka, izvo zvaionekwa nemadyirwo ayaiitwa pamwe nekuvhaira kwevanenge vaine mari ava.

Vachiri kumusha VaBote vakamboridza nezvikwata zvinosanganisira Akwaba, vakazobatana nezvimwe zvizvarwa zvemuAfrica zviri muBoston vakaumba chikwata cheMatimba, icho chaipemha mari yekubatsira muzvirongwa zveHIV/Aids muSouth Africa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG