Accessibility links

Breaking News

Bato Idzva reZimbabwe People First Roshoropodza Mhirizhonga


Amai Joice Mujuru. (PhotoL Mavis Gama)
Amai Joice Mujuru. (PhotoL Mavis Gama)

Bato idzva rinopikisa reZimbabwe People First rinoti rinoshoropodza zvikuru mhirizhonga yakaitika kunhengo dzaro mukupera kwesvondo mumusha weGlen View.

Bato idzva rinopikisa reZimbabwe People First rinoti rinoshoropodza zvikuru mhirizhonga yakaitika kunhengo dzaro mukupera kwesvondo mumusha weGlen View.

Bato iri rinoti mhirizhonga iyi yakakonzerwa nevatsigiri veZanu PF.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weZimbabwe People First, VaRugare Gumbo, vanoti sebato havana kufara nazvo sezvo ivo vari bato rinoda kuvaka uye runyararo.

“Isu tiri vanhu vanoparidza runyararo nekudaro tinofunga kuti matambudziko anofanirwa kugadziriswa kuburikidza nekutaurirana kwemapato ose ezvematongerwo enyika,” VaGumbo vanodaro.

Vanhu vana vanonzi vakakuvara muchiitiko ichi uye vanonzi vachiri kurapwa.

Bato idzva iri rakanga raronga musangano waro neMugovera muGlen View asi vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF vanonzi vakauya vakatanga kukanda matombo pamwe nekuparadza dzimotokari, izvo zvakaita kuti musangano uyu usaenderere mberi.

Nhengo dze Zimbabwe People First dzinoti dzakakwanisa kucherechedza vamwe vevanhu vakavarwisa ava sevanhu vavaishanda navo kuZanu PF.

Studio 7 haina kukwanisa kubata veZanu PF kuti tinzwe divi ravo.

Asi VaGumbo vanoti vanotenda zvikuru mapurisa nekukwanisa kwawo kuparadza mhirizhonga iyi nekukasika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, rimwe bato rinopikisa re Transform Zimbabwe rinoti neSvondo nhengo dzaro dzevechidiki nhanhatu dzakambopambwa dzikazoregedzwa mushure mekunge dzatochwa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF pamwe nenhengo dzechiuto mbiri nemupurisa mumwe chete.

Mugwaro raraburitsa, bato iri rinoti nyaya iyi yakamhang’arwa kukamba yemapurisa epa Makoni nemusi weSvondo wakare.

Mumwe mugari wemuHarare, VaZomhlaba Mbanje, vanoti vanoshora zvikuru mhirizhonga yave kuitika zvakare munyika panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo dza 2018.

VaMbanje vanoti kana ikasamiswa nechimbichimbi, mhirizhonga iyi inogona kuzodarika mhirizhonga yakaonekwa muna 2007/2008.

“Chave kunetsa ndechekuti mubato reZanu PF macho maita kusagadzikana izvo zvave kupa kuti mhirizhonga ikure,” VaMbanje vanodaro.

“Hurumende yeZanu PF ndiyo chete inogona kumisa mhirizhonga iyi, asi handioni ichiimisa sezvo iri kuwana cheuviri kubva mairi,” VaMbanje vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG