Accessibility links

Breaking News

Muimbi Doctor Tawanda Benson Anoti Kambo Kake "Unconquerable" Hakaneyi nezveMarudzi


Dr. Tawanda Benson
Dr. Tawanda Benson

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kurova pamwe nekutsikisa mhanzi chiri kuBotswana, Tawanda Kasaira, uyo anonyanyozivikanwa nezita rebasa rekuti Doctor Tawanda Benson, anoti ari kufara zvikuru nemukurumbira waawana nekambo kake kanetsa, “Unconquerable”.

Doctor Tawanda Benson, uyo akaenda kuBotswana mugore ra 2007, akakurira kuChitungwiza asti aenda kunogara muHarare kuBorrowdale Brooke.

Anoti kambo kake "Unconquerable" katsemura mipanda yenyika dzakawanda, sezvo ave kukokwa kunoimba munyika dzakaita seMalawai, Mozambique neSouth Africa.

Dr. Tawanda Benson
Dr. Tawanda Benson

Mbiri yekambo kake iyi yakaona svondo rapera achikokwa kuzoimba pamusangano wakaitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika uye vari munyori muboka remadzimai muZanu PF, Amai Grace Mugabe kuChiweshe mudunhu reMashonaland Central.

Kambo aka kanonzi kave kushandiswawo zvakanyanya nechimwe chikwata chiri kurwira masimba mubato reZanu PF, che G40, icho chinonzi chinotsigira Amai Grace Mugabe kuti vazotora masimba kana VaMugabe vachinge vazosiya chigaro.

Asi vamwe vanoti kambo aka kave kushandiswa mukuparadza marudzi emunyika, sezvo kachiti Mazezuru haakundike, izvo zvave kushandurudzwa nevamwe vachiti Mazezuru haatongeke.

Asi Doctor Tawanda Benson, uyo ari kugara muGaborone, anoti haaneyi nezvinozoiswa nevamwe munziyo dzake, sezvo asina masimba ekumisa vanhu ava kuisawo mashoko avo avanoda.

“Pandakaimba kambo aka ndichiti Mazezuru kumberi uko haakundike, ndaireva mapositori ari muno muBotswana ayo anonzi Mazezuru nevanhu vemuno,” Doctor Tawanda Benson anodaro.

Anoti hazvineyi nezvematongerwo enyika sezvo ivo vari muKirisitu.

Anotiwo ane vechidiki vari kuZimbabwe nekuBotswana kwaari ikoko vaari kubatsira mukutsikisa mhanzi, rinove danho raanoti ari kuita mukusimudzira vechidiki vari kusimuka munyaya dzemhanzi.

Hurukuro neMuimbi Doctor Tawanda Benson
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG