Kanzuru yeguta reHarare inoti yatara chirwere che typhoid sengozi kana kuti outbreak, zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi matatu nemumwe nechirwere ichi.
Vamwe vaviri vanonzi vakawanikwa vaine chirwere ichi panzvimbo yekudyira inonzi Mereki iri mumusha weruzhinji weWarren Park “D”.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, Vamichael Chideme, vanoti izvi zvinoreva kuti kanzuru yavo yave kushandisa zvikwanisiro zvose mukurwisa pamwe nekudzivirira kupararira kwechirwere chemanyoka ichi.
Vachideme vanoti vanhu vanodarika mazana mana vari kutarisiswa sezvo vachityirwa kuti vangangodaro vaine chirwere ichi.
Vanoti neChipiri vashanyira paMereki kuti vaongorore mamiriro apakaita, uye vachashanyirawo nzvimbo dzose dzinodyirwa dzine mukurumbira muguta iri vachiongorora zvinhu zvakaita semvura yekunwa nezvimbuzi.
“Ticharambawo tichipa dzidziso kune veruzhinji kuti vazive kukosha kwekudzivirira kupararira kwechirwere ichi,” VaChideme vanodaro.
Vanoti kanzuru yavo iri kuitawo zvose zvainogona mukuona kuti vagary vawaniswa mvura yekunwa yakachena.
“Tiri kugadzirisa kuMorton Jeffrey kuitira kuti muchina yedu ishande nemazvo tichishandisa mari yechikwereti chakabva kuChina iya.”
Chirwere ichi chakatanga kuonekwa mukupera kwegore rapera mumisha inogara veruzhinji yeGlen Norah, Glen View, Budiriro ne Hopley, asi VaChideme vanoti iye zvino chapararirawo kune mimwe misha inosanganisira Kuwadzana neWarren Park.