Accessibility links

Breaking News

Meya weGweru VaKombayi neVamwe Vavo Vaviri Vanobhadhariswa Mari yeChibatiso


Meya weGweru VaHamutendi Kombayi. (Photo: Hamutendi Kombayi Facebook Page)
Meya weGweru VaHamutendi Kombayi. (Photo: Hamutendi Kombayi Facebook Page)

Mutongi wedare ramejasiteri muGweru Muzvare Pathekile Msipa nemusi weChipiri vakapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuna meya weguta reGweru VaHamutendi Kombayi, pamwe nevamwe vavo vaviri vanoti mutewedzeri wavo VaArtwell Matyorauta, pamwe nemunyori mukuru akambomiswa basa VaDaniel Matawu.

Rimwe remagweta ari kumirira vatatu ava, VaArtwell Chinamatira vati vatatu ava vabvisiswa mari inoita madhora mazana maviri pamunhu uye vanzi vasiye magwaro avo ekufambisa kudare pamwewo nekuzviratidza kumapurisa kamwechete pasvondo kusvika vadzoka zvakare kudare musi wa 15 mwedzi unouya.

Vatatu ava vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekusashandisa zvakanaka mari inoita madhora zviuru zvisere nemazana manomwe ane madhora makumi matatu nematatu kubva mugore ra 2015 kusvika pakati pegore rapera.

VaChinamatira vanoti varume ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vachiti hapana panobatwa mari nameya kana mutewedzeri wake.

“Haparitombori nemari yakabiwa, eeh, pachikwadi. Nyaya iripo ndeye kuti, eeh, eeh, inyaya dzematongerwo enyika. Zvinoratidza kuti kune dzimwe nhengo munyika medu dzinenge dzichida kushandisa matare edzimhosva to frustrate vanhu vanenge vari mune zvekutongwa kwenyika.” VaChinamatira vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG