Sangano reUnited Nations Children’s Education Fund, UNICEF, rinoti zvirerwe zvevana zvinokonzerwa nekushaya chikafu chakakwana zviri kukwira zvisati zvamboonekwa mukati memakore gumi nemashanu, sezvo vana vanodarika makumi matatu ezviuru vari kuda rubatsiro nechimbichimbi.
Mugwaro raraburitsa, sangano iri rinoti riri kushanda nemamwe masangano anopa rubatsiro pamwe nehurumende mukuona kuti vana ava vawaniswa kudya kunovaka muviri pamwe nemvura yekunwa yakachena.
Sangano iri rinoti riri kupemha mari inota mamiriyoni makumi maviri nerimwe emadhora kuti rikwanise kuendesa mberi zvirongwa zvaro zvekubatsira vana ava.
VaBlessing Zindi, vanowe nyanzvi inoona nezvenjodzi musangano reUNICEF vanoti kusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nekushanduka kwemamiriro ekunze achikonzerwa ne El Nino ndizvo zvimwe zvawedzera dambudziko iri.
“Sekuziva kwamunoita, Zimbabwe pamwe nenyika dzakati wandeyi dziri muno muSouthern Africa dziri kushaya chikafu nekuda kwekuti mvura haina kunaya zvakakwana gore rapera pamwe negore rino,” VaZindi vanodaro.
Vanoti izvi ndizvo zvave kupa kuti vana vapinde mudambudziko rekushaiwa chikafu.
VaZindi vanoti gwaro rakaburitswa mwedzi wapera neZimbabwe Vulnerability Assessment Survey rinoratidza kuti vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere vari kumaruwa vanoda rubatsiro rwechikafu.
Vanoti pahuwandu hwevanhu ihwohwu, vanhu vanosvika miriyoni imwechete nezviuru mzana mana vana vadiki vane makore gumi nemasere zvichidzika.
VaZindi vanotiwo sesangano, vachapa vana vari kurwara ava mishonga sechikafu.
“Tichapa vana ava chikafu, asi chikafu ichi chinopiwa kuma clinic, yatinoti therapeutic food pachirungu.” VaZindi vanowedzera.
Zvichakadaro, gurukota rinoona nezvemabasa nekugara kawakanaka kwevanhu Amai Priscah Mupfumira vakaudza bepanhau reHerald kuti vanhu vanopfuura mamirironi mana munyika vanoda rubatsiro kwechikafu.
Izvi zviri kukonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kusamira zvakanaka kwezvinhu mumapurazi.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakatoisa chikumbiro kuti dzimwe nyika pamwe nemasangano ekunze vabatsire Zimbabwe.