Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti vari kutevera zvikuru sarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica uye vari kutsigira Amai Hillary Clinton musarudzo idzi.
Gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo avo vakasungwa nebazi rinorwisa huwori reZimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChishanu.
Gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo nemusi weChitatu vakasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yehuwori asi vakazosunungurwa vachiendeswa mumaoko emagweta avo.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti hurumende haifanire kumanikidza vanhu kuti vangotambira mari yemabond notes iyo vanhu vakawanda vari kuramba kuitambira.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupinda mumisangano yekodzero dzevanhu inonzi Universal Periodic Review inoitwa nebazi re United Nations Human Rights Council.
Mashoko ari kutaurwa nebazi rezvehupfumi aya akasiyana zvakanyanya nezviri kubva kubhanga rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund iro rakati hupfumi hweZimbabwe huchatodererera kusvika pachikamu chinosvika -2.7%.
Vaimbova gavhuna wedunhu reMidlands Province VaCephas Msipa vave kutarisirwa kuradzikwa kumarinda eHeroes Acre muHarare neMugovera.
Dare raMejastiriri rekwaMutare nemusi weChipiri rakarasa danho rainge ratorwa nemapurisa eZRP rekudzivisa sangano reChiadzwa Development Trust kana kurangarira kuurayiwa kunonzi kwakaitwa vanhu kunharaunda yekwaChiadzwa.
Vaimbova gavhuna wedunhu reMidlands uye vari nhengo yePolitburo VaCephas Msipa avo vakashaya nemusi weMuvhuro kuchipatara cheWest End kuHarare vave kutarisirwa kuvigwa kumarinda edunhu reGweru kana kuti Gweru Provincial Heroes Acre pedyo nemudzimai wavo sechaive chido chavo.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vave kushorwa nevamwe munyika vachipomerwa mhosva yekusapedza dambudziko rehuwori uho hwatekeshera munyika.
Vaimbova mutauriri wedare reparamende VaCyril Ndebele avo vakashaya nemusi weChishanu kuMater Dei Hospital kuBulawayo vakaradzikwa kupurazi ravo kuDenver Farm kuUmguza.
Nyaya yekushomeka kwemari munyika iri kuramba ichikomba zvopa kuti vanhu vakawanda vapedze nguva yakawanda vakamira mumitsetse yemabhanga.
Zvinhu munyika zvaita manyama amire nerongo sezvo makambani anotenga mafuta edzimotokari ari kuti ari kutadza kuwana mari kubva kubhanga guru renyika rereserve bank of Zimbabwe.
Amai Makarau vanoti hurongwa hutsva hwekunyoresa kuvhota uhwu hwunotarisirwa kutanga muchikamu chekutanga chegore rinouya.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChishanu vakasangana nemutungamiri wehurumende yeMalaysia VaNajib Razak kumusangano wavakangoenda zvechimbi chimbi zviri kunzi nevamwe vakuru vehurumende zvakonzerwa nekusamira zvakanaka kwehupfumi zvapa kuti vaende kunosunza.
Nyaya yekutyisidzirwa nerufu kwenhengo dzedare reparamende dzeMDC-T kuti dzisaratidzire apo mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe vange vachitaura mudare iri yakonzera kusawirirana pakti pehurumende nevanopikisa. Vanopikisa vanoti vanofunga kuti izvi zviri kuitwa nevasori.
Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rose reInternational Monetary Fund kana kuti IMF rinoti hupfumi hweZimbabwe hwananga kumawere uye huchadzika zvakanyanya kuenda ku-0, 3 percent muna 2016 uchitowedzera kudzika kusvika pa -2, 5 percent gore rinotevera.
Hofisi yevachuchusi vehurumende kana kuti National Prosecuting Authority nemusi weMuvhuro yakaramba kuchuchisa vanhu makumi masere nevatanhatu vakasungwa kuBulawayo vachiratidzira che#ShutdownZim2016 chaikokerwa nevemasangano akaita seHash Tag This Flag neTajamuka.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havana kuenda kumhemberero dzemakore makumi mashanu nyika yeBotswana yawana kuzvitonga kuzere sezvange zvakatarisirwa.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti veSADC, African Union neUnited Nations vanofanira kupindira munyaya yekupambwa, kuitwa kafiramberi uye kushungurudzwa kwevanhu munyika zvinhu zvisati zvasvika pakaipisisa.
Rodhai zvimwe