Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vorega Kuenda kuBotswana Mushure Mekunge VaKhama Vati Vachisiya Basa


VaSeretse Khama Ian Khama
VaSeretse Khama Ian Khama

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havana kuenda kumhemberero dzemakore makumi mashanu nyika yeBotswana yawana kuzvitonga kuzere sezvange zvakatarisirwa. Mhemberero idzi dzakaitwa nemusi weChishanu.

Mutungamiri wenyika yeBotswana VaIan Khama vainge vakoka VaMugabe kumabiko aya aitirwa kuGaborone asi VaMugabe vatumira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSimbarashe Mumbengegwi.

Vakuru muhurumende vasina kuda kudomwa nezita vaudza Studio 7 kuti VaMugabe havana kufara nenyaya yekuti VaKhama vakaudza nhepfenyuro yenhau yeReuters kuti vanofanira kuchienda pamudyandigere nekuti kuramba vari pachigaro kuri kudzorera nyika yeZimbabwe neSADC kumashure zvakanyanya.

VaKhama vakati munhu haafanire kuramba achitonga kwemakore akawanda nekuti haana zvitsva zvaanenge ounza kuvanhu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica VaJoy Mabenge vanoti vatungamiri venyika dzemuAfrica havafanire kurova imbwa vakaviga mupinyi kana vamwe vavo vachikanganisa.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG