Accessibility links

Breaking News

Vakasungwa kuBulawayo Mukuratidzira Vosunungurwa Mushure Mekunge Hurumende Yashaya Humbowo


Hofisi yevachuchusi vehurumende kana kuti National Prosecuting Authority nemusi weMuvhuro yakaramba kuchuchisa vanhu makumi masere nevatanhatu vakasungwa kuBulawayo vachiratidzira pachirongwa chaizivikanwa kuti #ShutdownZim2016 chaikokerwa nevemasangano akaita seHash Tag This Flag neTajamuka.

Muchuchusi wehurumende VaJeremiah Mutsindikwa vakaudza mutongi wedare Amai Charity Maphosa kuti havana humbowo hwakakwana hwekuchuchisa nyaya iyi.

Vanhu ava vakapedza mazuva maviri vari paMzilikazi Police Station vasati vabhadhariswa madhora makumi masere pamunhu semari yechibatiso. Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights ndiro raivamirira.

Rimwe remagweta eZLHR VaLizwe Jamela vanoti vakagara vaona kuti vanhu ava vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Hurukuro naVaLizwe Jamela
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanova chipangamazano musangano reHuman Rights Watch vanoti vanhu vari kutyorerwa kodzero dzevanhu vanokwanisa kuendesa kumatare gurukota rinoona nezvekudzivirwa kwemukati menyika VaIgnatious Chombo nevamwe vakuru vemapurisa.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG