Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshorwa Vachinzi Vari Kurega Huwori Huchitekeshera muNyika


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vave kushorwa nevamwe munyika vachipomerwa mhosva yekusapedza dambudziko rehuwori uho hwatekeshera munyika.

Nyaya yanetsa ndeye gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo, mutevedzeri wavo VaGodfrey Gandawa, vanotungamira vechidiki muZanu-PF VaKudzai Chipanga nevamwe vari kunzi havana kufambisa zvakanaka mari dze Zimbabwe Manpower Development Fund kana kuti Zimdef.

VaMoyo vari kutenda padandemutande retwitter kuti vakatora mari asi vachipomerawo bazi reZimbabwe Anti-Corruption Commission mhosva yekupindira mune zvipoka zviri kurwisana muZanu-PF nekuda kusunga vanhu vari kuchikwata chinonzi chinodyidzana nawo cheGeneration 40.

Mamwe makurukota akapomerwa nyaya dzehuwori asi asina kuferefetwa anosanganisa gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezvemhando dzemoto VaSamuel Undenge, gurukota rezvemukati menyika VaIgnatious Chombo nevamwe.

VaMoyo vari kupumhwa huroyi mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitaura nechibhende kuti ndivo vari kuda kuti vasungwe.

Nemusi weChitatu mudare reparamende, VaMnangagwa vakati hapana munhu ari pamusoro pemutemo. Izvi zvakatevera kudzivirirwa kuferefetwa kwakaitwa VaMoyo nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko.

Sachigaro weZanu-PF kuBritain VaNick Mangawana vanoti nyaya yehuori inofanira kugadziriswa sezvo yave kunyadzisa. Vanoti vari kufara kuti VaMugabe vakaumba komiti

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vatiwo VaMugabe vanofanira kugadzirisa nyaya yehuori uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaMphoko vanofanira kuongororwa. "Chinonyanya kuti gumbura panyaya yecorruption iyi inyaya yekuti iri kutangira kumusoro soro kumahofisi emashefu."

Sangano reTransparency International rinoti Zimbabwe iri kurasikirwa nemari inosvika bhiriyoni imwe chete pagore nenyaya yehuori. Mapurisa ndiwo anonzi ari pamberi pakuita zvehuwori.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaNick Mangawana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG