Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votaura nezvemaBond Notes


VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti hurumende haifanire kumanikidza vanhu kuti vangotambira mari yemabond notes iyo vanhu vakawanda vari kuramba kuitambira.

Vachitaura neStudio 7, VaTsvangirai vakati mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanogona kushandisa masimba avo kudzika mitemo yekuti Reserve Bank of Zimbabwe iparure mabond notes asi hazvibatsire kana pasina munhu ari kuzvifarira.

VaTsvangirai vanoti Zimbabwe ingadai yakangotambira kushandisa rand yekuSouth Africa sezvo nyika iyi iri iyo inotengeserana neZimbabwe kudarika dzimwe nyika dzose.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo mapato anopikisa anofanira kutungamira vanhu vasiri kuda mari yemabond notes. Asi VaTsvangirai vanoti chitsvambe chiri kumunhu wese kuti amire semusambangwena.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG