Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau vanoti boka ravo rakawana mari yekutenga michina inodiwa mukunyoresa vanhu kuti vavhote pachishandiswa nzira dzeBiometric.
Amai Makarau vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kunge vave nemichina yavanoda kushandisa panotanga gore rinouya.
"Tiri kugadzirira kutenga michina kana kuti wequipment yatichashandisa muchirongwa ichocho chatiri kuti biometric voter registration. Mari yacho ndingati yekutenga michini iye zvino inenge yati unganeyi, nekuti tiri kubatsirwa neveUnited Nations development Programme," Amai Makarau vadaro.
NeMuvhuro ZEC yakaita musangano nevemapato ezvematongerwo enyika apo yakazivisa kuti yakatotanga hurongwa hwekunyora gwaro revavhoti idzva re biometric, iro richatsiva riripo rakashandiswa musarudzo dza2013.
Amai Makarau vakaudza musangano uyu kuti vanhu vose vanoda kuvhota musarudzo dza 2018 vanofanirwa kunge mazita avo ave kuwanikwa mugwaro idzva iri, iro vakati richange richishanda chete panzvimbo ichavhoterwa nemunhu kana kuti “polling station-based”.
Amai Makarau vati hurongwa hutsva hwekunyoresa kuvhota uhwu hwunotarisirwa kutanga muchikamu chekutanga chegore rinouya.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti bato ravo rinoona sekunge hurongwa hwekuti pave negwaro idzva uhwu hwakanakira nyika. Vanoti pakutaura vanoona sekunge yakanaka asi dambudziko rine ZEC sezvo isina mari, sezvo ZEC isati yabuda pachena kuti yati yawana mari here.
Mutauriri weNCA VaMadock Chivasa vanoti bato ravo rinoona sehurongwa hwakanaka hwekuti pave negwaro idzva, asi vanoti ZEC inofanirwa kutanga yanzwa pfungwa dzevanhu, kwete kuita zvido zvemapato ezvematongerwo enyika chete.
Vanotiwo chavari kupokana nacho chimwe igwaro revavhoti rose, iro ravanoti rakanyorwa nemapato aive muhurumende yemubatanidzwa chete pasina kunzwa pfungwa dzevanhu.
Asi mukati memapato ari kutambira gwaro idzva iroro mune mamwe ari kuti haasi kuzoritambira kana ZEC yakariumba ichishandisa hurongwa hwe biometric.
Mutauriri weMDC inotungamirirwa naProfessor Welshman Ncube, VaKurauone Chihwayi vanoti bato ravo haritambiri gwaro idzva iri kana richishandisa hurongwa hwe biometric.