Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Hupfumi hweNyika yeZimbabwe Hwananga kuMawere


Mukuru weInternational Monetary Fund (IMF)-Christine Lagarde
Mukuru weInternational Monetary Fund (IMF)-Christine Lagarde

Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rose reInternational Monetary Fund kana kuti IMF rinoti hupfumi hweZimbabwe hwananga kumawere uye huchadzika zvakanyanya kuenda ku -0,3 percent muna 2016 uchitowedzera kudzika kusvika pa -2,5 percent gore rinotevera.

Izvi zviri mugwaro reIMF rinotarisa mamiriro akaita hupfumi munyika dzepasi rose reIMF World Economic Outlook remwedzi uno.

IMF inoti hupfumi hweZimbabwe huchadzika zvakanyanya kutoenzana nemugore ra2008. Muhurumende yemubatanidzwa hupfumi hwakakwira nezvikamu gumi kubva muzana kubva muna 2009 kusvika muna 2012.

Zvinhu zvakaita manyama amire muna 2013 apo bato reZanu-PF rakakunda musarudzo. Mwedzi wapera gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vange vati hupfumi huchakwira ne 1,2 perecent.

Munyika dzose dzekuchamhembe kweAfrica, Zimbabwe ndiyo chete ine hupfumi hwusiri kukura.

Zvichakadaro, sangano reTransparency International Zimbabwe rinoti nyika iri kurasikirwa nemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora pagore kuburikidza nenyaya yehuori.

Mapurisa nevamwe vakuru vehurumende ndivo vanonzi vari pamberi mukuita nyaya dzezvehuori.

Gore rapera Zimbabwe yakanzi iri pachidanho chezana nemakumi mashanu panyika zana nemakumi matanhatu nemasere dzakaongororwa. Vamwe vanonzi vari kuita zvehuori makanzura uye mapazi edzidzo.

XS
SM
MD
LG