Accessibility links

Breaking News

Dr Simba Makoni naVaTendai Biti Votaura nezveKushomeka kweMari muNyika


Dr Simba Makoni

Nyaya yekushomeka kwemari munyika iri kuramba ichikomba zvopa kuti vanhu vakawanda vapedze nguva yakawanda vakamira mumitsetse yemabhanga.

Dambudziko rinonzi rakatonyanya kukomba apo hurumende yakazivisa kuti yave kuzoparura mari yemabond notes.

Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda neChipiri vakazivisa dare reparamende kuti pane mutemo unoda kudzikwa bhanga guru renyika risati raparura mari yemabond notes iyi.

VaMudenda vakatiwo hurumende inofanira kuona kuti vemarudzi echiChina nechiIndia vane mabhizimisi munyika vaendesa mari kumabhanga.

Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya vanoti dambudziko rekushomeka kwemari richapedzwa nekuunza mabond notes uye hapana kudzokera kumashure pachirongwa ichi.

Mashoko aya anotsinhirwawo negurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa.

Mukuru wekambani yeGMRI VaWilbert Muponda vanotenderana nehurumende asi vachiti panoda dzidziso kuti vatambire mabond notes.

Asi izvi zvingapedze dambudziko rekushomeka kwemari here? Vaimbova gurukota rezvehupfumi Dr Simba Makoni avo vave kutungamira bato reMKD vanoti mabond notes handiwo angapedze dambudziko iri.

Vatiwo nyaya yekuti vanhu verudzi rechiIndia nevekuChina ndivo vari kukonzera dambudziko rekushomeka kwemari kutsvaga uta mugate.

Vamwe vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vave kutungamira bato rePDP vanoti

VaBiti vatiwo RBZ inogona kunge iri kukonzera kushomeka kwemari kuti vanhu vazotambire mari yemabond notes.

VaBiti vatiwo RBZ haisi kunyatsojekesa kuti ichashandisa mutemo upi kuparura mari yemabond notes.

Hurumende inoti iri kuda kuparura mari dzemabond mukupera kwemwedzi uno izvi zvinonzi nevakawanda zvapa kuti vanhu vaite chipatapata chekutora mari dzavo kumabhanga uye vakawanda havachaendese mari dzacho kumabhanga.

Hurumende yave kutatarika kutenga zvinhu zvakaita semafuta ekufambisa dzimotokari.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG