Accessibility links

Breaking News

VaJonathan Moyo Vokwidza Nyaya Yavo Kudare rePamusorosoro reConstitutional Court


Munguva dzekufara: VaEmmerson Mnangagwa naVaJonathan Moyo

Gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo avo vakasungwa nebazi rinorwisa huwori reZimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChishanu.

Gweta raVaMoyo, VaTerrence Hussein vaudza Studio 7 kuti VaMoyo vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekusafambisa zvakanaka mari yeZimbabwe Manpower Development Fund kana kuti ZIMDEF.

Asi VaHussein vati vave kuenda kudare repamusorosoro reConstitutional Court vachinopikisa kusungwa kwavakaitwa.

Mutauriri wesangano reZACC Amai Phyllis Chikundura vaudzawo Studio 7 kuti mutevedzeri waVaMoyo, Dr Francis Gandawa, vakasungwawo neZACC nemusi weChina vachipomerwa mhosva imwecheteyo yekushandisa mari yeZIMDEF zvisizvo.

Asi munyika maita kusawirirana panyaya yekuti kusungwa kwaVaMoyo kunoratidza kuti hurumende yave kurwisa huwori here kana kuti zviri kukonzerwa nekunetsana kuri kuitika mubato reZanu-PF.

VaMoyo vanoti vari kuoneswa chitsvuku nekuti vanofungirwa kuti vari kuchikwata chino zivikanwa nekuti G40, icho chinonzi chiri kurwira ushe muZanu-PF pamwechete nechikwata chinonzi Team Lacoste, icho chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

VaStephen Zvinavakobvu, vanova gweta, vanoti semaonero avo hurumende iri kuita zvose zvainogona kurwisa nyaya dzehuwori.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti hurumende haina zvairi kuita kurwisa huwori uye inotarisa kuti wabuda mumba maani.

Hurukuro naVaStephen Zvinavakobvu naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG