Accessibility links

Breaking News

VeMDC-T neZanu-PF Vozeya Nyaya yeKutyisidzirwa kweNhengo dzeMDC-T


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Nyaya yekutyisidzirwa nerufu kwenhengo dzedare reparamende dzeMDC-T kuti dzisaratidzire apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vange vachitaura mudare iri yakonzera kusawirirana pakti pehurumende nevanopikisa. Vanopikisa vanoti vanofunga kuti izvi zviri kuitwa nevasori.

Nhengo yedare reparamende inomirira Harare West muzvare Jessie Majome mumwe wevakatumirwa mashoko ekutyisidzirwa aya vaudza Studio 7 kuti kana mwana wavo akatumirwa mashoko aya panharembozha yake.

Kune dzimwe nyika kusanganisa kuSouth Africa neBritain nhengo dzedare reparamende dzinombokandirana makobvu nematate mudare reparamende kana nemutungamiri wenyika chaiye.

Asi kubvira veMDC-T zvavakambozviita gore rapera nemamwe makore apfuura, mazuva ano vanoti vave kutyisidzirwa nerufu nemuhunu anenge achizviti Hitman.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vati havasati vapirwa nyaya iyi nekudaro zvinonetsa kuti vataura. Vati nhengo dzeparamende idzi hadzina kumhan’ara uye vangozviverengawo mumapepanhau.

Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T VaObert Gutu vati vari kunetsekana zvakanyanya nekutyisidzirwa kwenhengo dzebato ravo.

Asi sachigaro weZanu-PF kuBritain Province VaNick Mangwana vanoti vanhu vanoita zvakadai vanofanira kusungwa asi varamba kuti zviri kuitwa kune vanopikisa chete vachiti kana ivo vanombotumirwa mashoko ekutyisidzirwa.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG