Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Hupfumi Huchakura neZvikamu 4.8% muna 2017 Asi Vanopikisa Vanoti Zviroto


Umnumzana Patrick Chinamasa umpathintambo wezemali
Umnumzana Patrick Chinamasa umpathintambo wezemali

Gwaro raburitswa nebazi rezvezvehupfumi reBudget Strategy Paper rinoti hurumende iri kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvina nezviga zvisere kubva muzana kana kuti 4,8%.

Hurumende inoti inoona zvinhu zvichiita nani munyaya dzezvekurima uye zvicherwa. Asi mashoko ari kutaurwa nebazi rezvehupfumi aya akasiyana zvakanyanya nezviri kubva kubhanga rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund iro rakati hupfumi hweZimbabwe huchatodererera kusvika pachikamu chinosvika -2.7%.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa VaTendai Biti vanoti zvinhu zvichatonyanya kuipa kudarika kana zvikutaurwa neIMF zvacho.

VaBiti vayambirawo kuti sarudzo dziriko gore rinouya dzichatoita kuti zvinhu zviende kumawere sezvo hurumende munguva yesarudzo inenge yongoita madiro ajojina.

Mashoko aya atsinhirwawo navatapiwa mashakada vanoona nezvehupfumi mubato rinopikisa reMDC-T.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe uye vari chipangamazano chehurumende Dr Gift Mugano vati vanotenderana nemaonero eIMF.

Ko chii chingaitwe kugadzirisa dambudziko rezvehupfumi iri? VaMashakada vanoti hurumende iripo yakundikana kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaLovemore Matuke vanoti vane chivimbo chekuti gore rinoya zvinhu zvichaita zviri nani munyaya dzezvehupfumi.

Vati chirikupa kuti zvinhu zviipe inyaya yezvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzemuEU nehurumende yeAmerica.

Asi vanopikisa hurumende vanoti kutadza kutonga nekutonga nedemo kwemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndokwakanda nyika muchoto.

XS
SM
MD
LG