Accessibility links

Breaking News

VaCyril Ndebele Voradzikwa kuUmguza


Vaimbova mutauriri wedare reparamende VaCyril Ndebele avo vakashaya nemusi weChishanu kuMater Dei Hospital kuBulawayo vakaradzikwa kupurazi ravo kuDenver Farm kuUmguza nemusi weChitatu.

VaNdebele vange vave nemakore makumi masere nematatu.

Vanhu vakatanga vaungana kukereke yeSelbourne Park Seventh Day Adventist muBulawayo vasati vaenda kumarinda. Muchakabvu vakange vari nhengo yeAfrican National Congress kuSouth Africa apo vainge vari mudzidzi paUniversity of Natal.

Vakatora degree ravo remutemo paQueens University, Belfast kuNorthern Ireland muna 1970.

VaNdebele vainge vari muchikwata chemagweta aimirira Patriotic Front chakaenda kuGeneva, Malta neLancester zvakazopa kuti nyika iwane kuzvitonga kuzere muna 1980.

XS
SM
MD
LG