Accessibility links

Breaking News

VaMsipa Voradzikwa kuHeroes Acre neMugovera


Heroes Acre
Heroes Acre

Vaimbova gavhuna wedunhu reMidlands Province VaCephas Msipa vave kutarisirwa kuradzikwa kumarinda eHeroes Acre muHarare neMugovera.

Hama dzaVaMsipa dzaimbenge dzati varadzikwe kuGweru sechido chavo asi zvakazochinjwa. Vakawanda vanoziva mufi vanoti vaisaruma vachifuridzira zvapa kuti vachemwe kana nevanopikisa hurumende.

Mashoko aya atsinhirwa negurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu vachibvva kuMidlands Province VaJoram Gumbo.

Hurukuro naVaJoram Gumbo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMsipa vakazoshaya vasiya zvematongerwo enyika mushure mekuenda pamudyandigere muna 2014.

Vanhu vakawanda vakaunga kumba kwaVaMsipa kuGweru East nemusi weChina uye vamwe zviuru nezviuru vakaenda kunovachema kuWindsor Park Church of Christ. Mutumbi wavo wakazoendeswawo kuCJR Primary School vasati vaendeswa kumuzinda wemauto weThornhill Air base vachidzokera kuHarare.

XS
SM
MD
LG