Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vanotsigira Amai Clinton muSarudzo dzeMutungamiri weAmerica


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti vari kutevera zvikuru sarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica uye vari kutsigira Amai Hillary Clinton musarudzo idzi.

Amai Clinton vari kukwikwidzana neshoroma VaDonlad Trump vebato remaRepublicans. Anenge akunda musarudzo idzi anotora chigaro chiri kusiiwa naVaBarack Obama.

MuAmerica munhu anokwanisa kutonga kwemakore masere chete asi sarudzo dzinoitwa panopera makore mana ega ega.

VaTsvangirai vanoti vakambosangana naAmai Clinton vachiri munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika kana kuti Secretary of State. Vanotiwo vane chivimbo chekuti Amai Clinton vachagadzirisa nyaya dziri kunetsa muZimbabwe.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG