Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanoti pane vamwe vanhu vainzi vasori vakavatevera manheru nechinangwa chekuda kuvaita kafiramberi mushure mekunge vaenda kuKaroi kunoita basa ravo rehugweta.
Muimbi Prince Kudakwashe Musarurwa uyo akashaya nemusi weMugovera manheru kuchipatara cheChinhoyi mushure mekurwara nechirwere chegomarara akavigwa nezuro kumusha kwake kwaMusarurwa, Murombedzi kwaZvimba.
Mumiriri weEU muZimbabwe VaTimo Olkkonen vaudza Studio 7 kuti hapana zvachinja panyaya yezvirango zvakatemerwa mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekurima VaPerrance Shiri uye mukuru wemauto VaValerio Sibanda
Muimbi ane mukurumbira munyika, Nox Guni abura mutakunanzva wevhidhiyo pakambo kake kanonzi Handichada Mumwe.
Nhasi mhuri yeZimbabwe iri kubatana mukurangarira rufu rwaVaMorgan Tsvangirai avo vakambove mutungamiri wehurumende uye mutungamiri wekutanga webato guru rinopikisa reMDC.
Mutongi wedare repamusoro mumasvingo VaGarainesu Mawadze vari kutarisirwa kupa mutongo wavo panyaya iri kutongerwa mumiriri weZengeza West mudare reparamende vari mutevedzeri wasachigaro weMDC VaJob Sikhala yekuti vaida kupidigura hurumende.
Muimbi wechidiki Damascus The Afro Guy uyo ane kambo kari kupisa kanonzi Kwende anoti haasi kuzodzokera kumashure uye ari kubika mumwe mutakunanzva naFreeman.
Nhasi pasi rose riri kucherechedza zuva rekutepfenyurwa kwenhau nedzangaradzimu kana kuti World Radio Day.
Muimbi wemuSouth Africa ane mukurumbira zvikuru pasi rose Joseph Shabalala uyo akavamba chikwata cheLadysmith Black Mambazo akashaya nezuro kuPretoria.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vazivisa kuti mutengo wehupfu hwave kuwedzerwa zvekare kubva pamadhora makumi mashanu kusvika pamadhora makumi manomwe pamakirogiramu gumi.
Muimbi achangotanga anoimba nziyo dzechitendero Paula Sarah anoti ari kufara zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa dambarefu rake rekutanga rinonzi “Call On the Name of The Lord” iro akatsikisa gore rapera.
Sangano rinomirira vashandi rerezctu riri kushora zvikuru hurumende nemari yayatara kuti itambirwe nevashandi vemudzimba nevanoshanda mumagadheni.
Vatungamiri venyika dzemuAfrica vari kuAddis Ababa, Ethiopia kumusangano wechimakumu matatu netatu uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekumisa hondo dzemuAfrica kuburikidza nekunyaradza pfuti kana kuti “silencing the guns”.
Muimbi ane mukurumbira zvikuru munyika Thomas Mapfumo ari kukurudzira vaimbi vechidiki zvikuru vanoimba Zimdancehall kuti vaimbe misambo inoenderana netsika dzavo dzechivanhu kwete kutevedzera zvekuJamaica.
Muimbi ane mukurumbira zvikuru Thomas Mukanya Mapfumo anoti ari kutarisira kutsikisa dambarefu rake idzva mwedzi uno mushure mekunge computer yekambani yairitsikisa yakanganisika.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo richatonga chete munyika ino chero hazvo zvikanonoka kuitika. VaChamisa vanotiwo mauto anofanirwa kupindawo munhaurirano dzezvematongerwo enyika.
Gurukota rinoona nezvehutano Doctor Obadiah Moyo vanoti Zimbabwe iyo yave kuongorora vanhu vanodarika mazana mashanu nevatanhatu vakabva kunyika dzine chirwere checorona virus
Chikwata cheKansas City Chiefs chakunda chikwata cheSan Francisco 49ers 31-20 chikabva chasimudza mukombe weNational Footbal League kana kuti NFL Superbowl 54.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaKindness Paradza veZanu-PF vanoti vakakumbira musangano nemutauriri wedare reHouse of Representatives muAmerica Amai Nancy Pelosi.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanoti Zanu-PF ndiyo yega iri kukoka mhepo yakatakura mamera murusero panyaya yezvirango zvakatemerwa vakuru vayo.
Rodhai zvimwe