Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yokumbira Musangano neAmerica paNyaya yeZvirango


Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaKindness Paradza veZanu-PF vanoti vakakumbira musangano nemutauriri wedare reHouse of Representatives muAmerica Amai Nancy Pelosi.

VaParadza vaudza Studio 7 kuti vari kukumbira musangano uyu kuti vazeye nyaya yezvirango zvakatemerwa dzimwe nhengo dzeZanu-PF kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vatungamiri muhurumende yavo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waAmai Pelosi kuti tinzwe divi ravo. Asi VaParadza vanoti tsamba yavakanyora haisati yapindurwa.

Kunyangwe hazvo Zimbabwe iri kutsigirwa nenyika dzemuSADC neAU kuti zvirango zvibviswe, America iri kuramba yakatsika madziro ichiti Zimbabwe inofanira kutanga yagadzirisa nyaya dzekodzero uye kuvanduza mitemo inodzvinyirira vanhu.

America yakatemera yakatemera vakuru veZimbabwe ava zvirango muna 2003.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG