Accessibility links

Breaking News

Dare Rotarisirwa Nhasi Kuzeya Kuti Nyaya yaVaSikhala Yoenderera Mberi Here Kana Kuti Kwete


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mutongi wedare repamusoro mumasvingo VaGarainesu Mawadze vari kutarisirwa kupa mutongo wavo panyaya iri kutongerwa mumiriri weZengeza West mudare reparamende vari mutevedzeri wasachigaro weMDC VaJob Sikhala yekuti vaida kupidigura hurumende.

Magweta aVaSikhala anoda kuti nyaya iyi iraswe vachiti haina humbowo hwakati tsvikiti.

Mamwe magweta aVaSikhala anosanganisira Amai Beatrice Mtetwa, Blessing Nyamaropa uye VaTinomuda Shoko.

VaSikhala vanonzi vakataura mashoko aya paMandadzaka Primary School kuBikita Masvingo musi wa6 Chikunguru.

Muchuchusi wehurumende VaTawanda Zvekare vanoti VaSikhala vakataura mashoko akanangana nekuda kubvisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pachigaro nechisimba. Asi VaBamu vanoti VaSikhala vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Hurukuro naVaJeremiah Bamu
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG