Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanoti Vasori Vaida Kuvaita Kafira Mberi Vachibva kuKaroi


Job Sikhala, the lawyer for former foreign affairs minister Walter Mzembi, talks to reporters after court proceedings where he said charges against his client were "really ridiculous," in Harare, Zimbabwe, Jan 6, 2018. (S. Mhofu/VOA)
Job Sikhala, the lawyer for former foreign affairs minister Walter Mzembi, talks to reporters after court proceedings where he said charges against his client were "really ridiculous," in Harare, Zimbabwe, Jan 6, 2018. (S. Mhofu/VOA)

Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanoti pane vamwe vanhu vainzi vasori vakavatevera manheru nechinangwa chekuda kuvaita kafiramberi mushure mekunge vaenda kuKaroi kunoita basa ravo rehugweta.

VaSikhala vanoti vanovachengetedza vakavaudza kuti zvaive nani kuti vanorara kuHarare pakapera nyaya yavari kufambira sezvo muKaroi mainge maberekera ingwe.

Asi vanoti nhamo yavo haina kupera sezvo motokari yavaishandisa yakateverwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi rebazi rezvavasori.

Asi VaSikhala vanoti vacharamba vachiita basa ravo vasingatye kunyange hazvo vachiziva kuti pane vanhu vari kuda kuvapfuudza.

VaSikhala vakawanikwa nedare repamusoro rekuMasvingo svondo rapera vasina mhosva yavaipomerwa yekuda kubvisa hurum ende yaVaEmmerson Mnangagwa zvisiri pamutemo.

Va Sikhala, avo vanova mumiriri we Zengeza West mudare re National Assembly, vanoti hazvaigona kuti vawanikwe vaine mhosva zvichitevera mashoko avo ekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachabviswa pachigaro gore ra 2023 risati rasvika.

VaSikhala vakasungwa muna Chikunguru gore rapera mushure mekunge vataura pamusangano wavakaita kuMasvingo vachiti VaMnangagwa vachabviswa pachigaro sarudzo dzinotevera dzisati dzaitwa.

Mushure mekuburitswa kwenyaya yezvavakataura murimwe bepanhau, VaSikhala vakadaidzwa nemapurisa musi 8 Chikunguru vachibvunzurudzwa nezvemashoko avakataura.

Vakabva vasungwa vachipomerwa zviri pamutemo mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika zvisiri pamutemo.

VaSikhala vakazobvisiswa zviuru zvishanu zvemadhora emunyika semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Vakanziwo nyaya yavo yaizotongerwa kuMasvingo sezvo kuri iko kwakaparirwa mhosva yacho.

Vachipa mutongo wavo nemusi weChishanu chapfuura, mutongi wedare, VaGarainesu Mawadze, vakati hapana mhosva yakaparwa naVaSikhala kuburikidzwa nemashoko avanonzi vakataura pamusangano wavakaita gore rapera kuMasvingo kwakare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG