Muimbi weAfro-Jazz Prince Kudakwashe Musarurwa uyo akashaya nemusi weMugovera manheru kuchipatara cheChinhoyi mushure mekurwara nechirwere chegomarara akavigwa nezuro kumusha kwake kwaMusarurwa, Murombedzi kwaZvimba.
Muchakabvu Prince akaimba nziyo dzine mukurumbira kusanganisira Ndirwo Rudo kambo kaakaimba naPah Chihera uye kamwe kanonzi Nyamatsatse.
Prince aive muzukuru wamuchakabvu Augustine Machina Musarurwa uyo akaimba kambo kanonzi Skokiaan kakaita mukurumbira pasi rose.
Kambo aka kakabva kaimbwazve naLoius Armstrong muna 1954. Prince Akatsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi Kurarama muna 2011, ndokuzotsikisa Garamuberevere muna 2012. Muna 2013 akabura dambarefu rinonzi Gogodera.
Prince akaridza munyika dzakawanda kusanganisira kuUganda, Britain neAmerica.
Mumwe muimbi aiva sahwira wake Diana Samkange anoti mufi asiya gwanza rakakura sezvo basa rake range rave kuita kunge ainge omirira Zimbabwe munyaya dzekuimba nziyo dzechinyakare.
Facebook Forum