Accessibility links

Breaking News

Nox Guni Obura Huchi hweVhidhiyo Kubva paKambo "Handichada Mumwe"


Nox Guni
Nox Guni

Muimbi ane mukurumbira zvikuru munyika, Nox Guni abura mutakunanzva wevhidhiyo pakambo kake kanonzi Handichada Mumwe.

Nox anozivikanwa nekuimba nziyo dzinenge dzichipisa serimi remoto gore negore zvikuru dzerudo. Achitaura neStudio 7 nezvevhidhiyo yake iyi, Nox anoti akabatsirwa naSan Pedro uyo anokaringa mavhidhiyo kuti abude nemutakunanzva wake uyu.

Kambo aka kakabva padambarefu rake rinonzi The Surprise iro rakaparurwa mukupera kwegore rapera.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira, Iā€™m in Love, Toitasei, Rise up ft. Tyfah Guni, I Miss You ft. Kazz & gTbeat. Nox anoti kamwe kambo kari kutambirwa zvakanyanya kubva padambarefu aka kanonzi Waimutambisa ako akaita naFreeman.

Hurukuro naNox Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

ā€‹
XS
SM
MD
LG