Mumiriri weEU muZimbabwe VaTimo Olkkonen vaudza Studio 7 kuti hapana zvachinja panyaya yezvirango zvakatemerwa mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekurima VaPerrance Shiri uye mukuru wemauto VaValerio Sibanda.
Vatatu ava vachiri pavanhu vakambosendekerwa zvirango asi vachiri kuongororwa zvakasimba sezvavange vachiitwa kubva muna 2014. VaOlkkonen vanoti munhu abviswa pazvirango chete ndimuchakabvu Robert Mugabe.
Asi mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe avo vange vakatemerwa zvirango pamwe nemurume wavo vaiswa muchikwata china VaChiwenga nevamwe vavo.
Vachipindura mumashoko kuvatori venhau, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo vanoti zvirango zvose zvinofanira kubviswa sezvo zviri kukonzera kuti hupfumi huende kumawere
. Asi VaOlkkonen vanoti zvirango hazvina chazviri kukanganisa hupfumi hwenyika uye Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu.
Facebook Forum