Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Zanu-PF Inozvigokera Moto Muziso paNyaya yeZvirango


Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanoti Zanu-PF ndiyo yega iri kukoka mhepo yakatakura mamera murusero panyaya yezvirango zvakatemerwa vakuru vayo.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nekomiti yeSenate inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica rekunyorera mutungamiri wenyika VaDonald Trump kuti vawedzera zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru mubato reZanu-PF vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

VaTrump vari kutarisirwa mukutanga kwemwedzi waKurume kuwedzera zvirango izvi. Asi Zanu-PF inoti vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu ndivo vari kuzvikoka.

VaChamisa vanoti zvose izvi igudziramukanwa sezvo nyaya dzek7umbunyikidza vanhu ndidzo dzopa kuti Zanu-PF iite seyakageza negoka munyama.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG