Accessibility links

Breaking News

Kansas City Chiefs Yosimudza Mukombe weSuper Bowl


49ers Chiefs Super Bowl Football, . Patrick Mahomes
49ers Chiefs Super Bowl Football, . Patrick Mahomes

Chikwata cheKansas City Chiefs chakunda chikwata cheSan Francisco 49ers 31-20 chikabva chasimudza mukombe weNational Footbal League kana kuti NFL Super Bowl 54.

Mutambo uyu watambirwa kuMiami, Florida. Patrick Mahomes ndiye akatungamira chikwata cheChifs muchikamu chekupedzisira kuti chisimudze mukombe uyu.

Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe chinogara kuSouth Carolina, America VaPromise Sande vanoti vange vachiona mutambo uyu neshamwari dzavo uye vafara sezvo vange vachitsigira Chiefs kuti ndiyo inokunda.

Vati mutambo weSuper Bowl unotarisirwa zvakanyanya munyaya dzemitambo muAmerica.

Kobi naGiana
Kobi naGiana

Vanhu vainge vari kumutambo uyu vakarangarirawo aive mutambi weBasketball akashaya munjodzi yechikopokopo, Kobi Bryant nevamwe vaainge ainawo kusanganisira mwanasikana wake Giana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG