Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotambira Danho reChina reKumisa Vanhu Kungoenda Kana Kubva KuNyika Iyi


Gurukota rinoona nezvehutano Doctor Obadiah Moyo vanoti Zimbabwe iyo yave kuongorora vanhu vanodarika mazana mashanu nevatanhatu vakabva kunyika dzine chirwere checorona virus inoti iri kufara nedanho rakatorwa neChina rekumbomisa vanhu kungoenda kana kubva kunyika iyi vachienda kunyika dzakaita seZimbabwe.

Chirwere checorona virus chinofungidzirwa kuti chakatangira mudunhu reWuhan kuChina.

Chirwere ichi chauraya vanhu mazana matatu nemakumi mapfumbamwe kusvika parizvino kunyanya kuChina.

Hapana mushonga wekurapa chirwere ichi icho chinoita kunge chirwere chechikosoro asi vamwe vanachiremba vari kuyedza kushandisa mapiritsi anodzikisa hukasha hweHIV/AIDS nemaARV.

KuChina kune vana vekuZimbabwe vakawandawo vari kuchikoro. VaMoyo vanoti Zimbabwe kuburikidza nemuzinda wayo muBeijing iri kuonawo kuti zvizvarwa zvayo zviri munyika iyi hazvisi munjodzi.

Hurukuro naVaObadaih Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG