Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Hakuna Chingavatadzisa Kutungamira Nyika


Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa kuChinhoyi

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo richatonga chete munyika ino chero hazvo zvikanonoka kuitika. VaChamisa vanotiwo mauto anofanirwa kupindawo munhaurirano dzezvematongerwo enyika.

Vachitaura muChinhoyi kunhengo dzebato ravo dzinotungamira matunhu madiki, VaChamisa vati bato ravo richatonga chete kunyange zvikanonoka kuitika.

VaChamisa vati hakuna bato rine vanhu vakawanda vakafira musangano rinotadza kutonga.

VaChamisa vatiwo mauto anofanirwa kupinda munhaurirano dzose dzingaitwe munyika nekuti ibandiko rakasimba munyaya dzezvematongerwo enyika.

Panyaya yekushaikwa kwemari yebato, VaChamisa vaudza nhengo dzavo kuti hapana mari yakabiwa asi kuti vanhu vanga vasati vajaira kuti mari dzinoongororwa.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaFarai Ngavaseke, vanoti zviroto zviri kuitwa naVaChamisa zvekuti vachatonga nyika ino nekuda kwekupindira kwemauto munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaChamisa vanga vari muChinhoyi vachisangana nenhengo dzose dze Provincial Adminstrative Committee dzedunhu reMashonaland West.

Vanga vachitsigirwa nevatevedzeri vavo vaviri vanoti Amai Lynett Karenyi Kore naVaTendai Biti; murongi wemisangano, VaAmos Chibaya pamwe nemutevedzeri wasachigaro webato, VaJob Sikhala nevamwe.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG