Mapurisa anonzi ari kuti haana mapurisa akakwana ekutumira kumusangano waVaTsvangirai kuHwange
Chivezwa chamushakabvu Nkomo chorongwa kumiswa pedyo neKarigamombe
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti zviri kutaurwa neEU hazvina musoro.
Musangano weSADC uri kutarisirwa kuitwa muNamibia muna Nyamavhuvhu
Masangano akazvimirira anoti muZimbabwe munogona kudeuka ropa kana mitemo ikasavandudzwa.
Vanhu vanonzi vachiri kushungurudzwa munzvimbo dzakawanda mumativi mana enyika
VaMugabe vanodoma vamiriri veZimbabwe vatsva vekune dzimwe nyika
VeZanu-PF neMDC vanoti musangano uyu wafamba zvakanaka.
Gurukota rezve kuregererana, Amai Sekai Holland, vanoti musangano uyu ukapera vanenge vopinda kuvanhu.
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti vanoda kudyidzana nehurumende dzekaita seZimbabwe.
Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vanoti vava kuda kuripwa naVaMliswa vari kuvapumha huori
VaBiti vopesana pfungwa neZanu-PF panyaya yeminda neyekutengeswa kwemangoda.
VaMugabe vanoti Zimbabwe ichatngesa mangoda ayo kunyange ikanyimwa mvumo neKimberly Process.
Zimbabwe yawana mari inosvika US$50 million kubva kubhanga re African Development Development Bank kuti ivandudze ZIMSTAT.
Asi Zanu-PF inoti nhengo dzayo hadzisi kuita zvemhirizhonga
MDC inoti nhengo dzayo dziri kutyisidzirwa neZanu PF kumaruwa
Mutemo mutsva uchakurudzira kuti Zimbabwe Electoral Commission iburitse zvinenge zvabuda musarudzo mukati memazuva mashanu.
VeMDC nemasangano akazvimirira oga vochema nerokuti nhengo dzavo dziri kupfuviswa nevatsigiri veZanu-PF.
Asi muzukuru waVaMugabe, VaLeo Mugabe, vanoti vari kuzodzwa mafuta enguruve yavasina kudya panyaya iyi.
Vanhu vanosungwa pamwe nekutyisidzirwa muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva
Rodhai zvimwe