Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votumira Imwe Nhumwa Yavo kuZimbabwe


Mutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vatumira nhumwa yavo kuZimbabwe mushure mekunge kunetsana kworamba kuchinyanya munyika pakati pemapato ari muhurumende.

Nhumwa yaVaZuma, VaMac Maharaj, vasvika muZimbabwe neChipiri kuti vaite musangano nevari kumirira mapato matatu ari muhurumende yemushandira pamwe, uye vachaitawo misangano nevatungamiri vemapato aya. VaMaharaj vaudza Studio7 kuti vari muHarare asi havasi kutaura nezvenyaya iyi pari zvino.

Chimwe chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio 7 kuti vachaedza nepavanogona napo kuti vagadzirise nyaya yeZimbabwe pasati paitwa musangano weSADC kuWindhoek, Naimibia mwedzi unotevera.


Zvichemo zviri kuramba zvichiwanda kubva zvakambomira VaZuma kubata nyaya yegakava riri pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

MDC inoti haisi kufara nekudomwa kwevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika naVaMugabe vasina wavasuma. MDC inotiwo haisi kufara nekuti mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vari kuramba vachituka VaTsvangirai. Nyaya yaVaBennet iri kurambawo ichinetsa uye neChitatu vari kutarisirwa kuenda kuSupreme Court nenyaya imwe yavakambenge vachenurwa nedare repamusoro.

Zvimwe zvichemo zvagara zviripo zvinosanganisa nyaya yaVaMugabe yekudoma gavhuna webhanga guru renyika nemuchuchusi mukuru wehurumende vasina kusuma VaTsvangirai naVaMutambara.

VaTrevor Maisiri vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMaisiri vaudza Studio 7 kuti VaZuma vanofanira kukurudzira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena chete.

XS
SM
MD
LG