Accessibility links

Breaking News

Vari Kuita Mhirizhonga Vanoburitswa Mugwaro reMDC


Bato reMDC raburitsa gwaro rinoratidza pachena kuti dunhu reMashonaland East ndiro rine vanhu vakawanda vari kutyora kodzero dzevanhu vanopikisa Zanu PF.

Gwaro iri rinotarisa zvakaitika kubva muna Kurume 2008 kusvika muna Chivabvu gore rino panyaya yemhirizhonga. Nzvimbo dzinotevera Mashonaland East iManicaland, Mashonaland Central, Mashonaland West, Midlands, Masvingo, Harare, Matebeleland South ne Matabeleland North.

KuMashonaland East ari kunyanyonetsa anonzi ndiVaLawrence Katsiru vanova nhengo yeZanu-PF. KuMudzi, nhengo yeparamende yeZanu-PF yeMudzi West, Amai Aquilinah Katsande, vanonzi vari kunetsawo vanhu. MDC inoti vemauto varimowo muvanhu vari kushungurudza nhengo dzavo.

Bato iri rinoti imwe nhengo yechiuto, Colonel Morgan Mzilikazi, varurawo kuBuhera uko vari kuonesa vanhu ndondo. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mabasa eZanu-PF emhirizhonga haasi kumira.

Asi gavhuna weMashonaland Central, VaMartin Dinha, vanoti veMDC vari kuita gudzira mukanwa panyaya yemhirizhonga iyi.

XS
SM
MD
LG