Accessibility links

Breaking News

Kunyorwa kweBumbiro Idzva Koramba Kuchiita Mutauro Mukuru


Vatyairi vedzimotokari vari kushanda nekomiti yeparamende iri kuona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC kuManicaland, varamwa mabasa neChishanu vachiti vanofanirwa kutanga vabhadharwa mari dzavo.

Izvi zvapa kuti mumwe wemasachigaro echirongwa ichi kuManicaland, uye vari seneta weMvurachena, VaCephas Makuyana, vamhanyire kuHarare kunogadzirisa nyaya iyi.

Bepanhau reHerald rinotiwo nhengo dzeparamende shanu dzinonzi dzabuda muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva dzichiti hadzisi kufara nemari dzavari kupihwa. Asi mumwe wemasachigaro eCOPA, VaDouglas Mwonzora, vanoti hazvisi chokwadi zvanyorwa neHerald, asi kuti vamwe vacho vakaitwa makurukota, vachibva vatsiviwa nenhengo dzemapato avo.

Bato reMDC rinotiwo harisi kufara nechironga chinonzi Operation Vhara Muromo chatangwa neZanu-PF zvikuru mumaruva panguva yekunyorwa kwebumbiro remitemo. Vanhu vanonzi vari kumanikidzwa nemauto, vasori uye vatsigiri veZanu-PF kuti vataure zvido zveZanu-PF chete pavanenge vachibvunzwa nezvebumbiro remitemo.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai vari kutarisirwa kutaura nyaya iyi pamisangano yavari kutarisirwa kuita nevatsigiri vavo kutanga muHwange neMugovera. VaTsvangirai vachataurawo nenyaya dzemamiriro akaita zvinhu mubato mavo, uye muhurumende.

MDC inoti vanhu vari kumanikidzwa kuti vati vanoda Kariba Draft. Asi musangano waVaTsvangirai unenge woda kukanganiswa nemapurisa ari kuti haufanire kuenderera mberi sezvo pasina mapurisa akakwana sezvo mamwei ari kumisangano yekunyorwa kwebumbiro remitemo.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekurongwa kwemabasa ezvematongerwo enyika mubato reMDC, VaMorgan Komichi, avo vainge vatumwa kunofanogadzira zvinhu kuMatebeleland, vanonzi vakabva vasungwa.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti havasi kufara nenyaye yekutysidzirwa kwevatsigiri vavo.

Asi VaPaul Mangwana, mumwe wemasachigaro eCOPAC, uye vari nhengo yeZanu PF, vanoti zviri kutaurwa neMDC manyepo sezvo pasina ari kuvhundutsirwa.

XS
SM
MD
LG