Accessibility links

Breaking News

Zanu neMDC Dzokurukura Zvinetswa Zviri Munyika


Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa asangana muHarare neChitatu akazeya nyaya yemhirinzonga. MDC mbiri dzange dzakamirirwa nenhengo dzehutungamiri hwemapato aya, kana kuti National Executive, ukuwo Zanu-PF yakamirirwa nenhengo dze Politiburo.

Vange vari masachigaro ndiVaJohn Nkomo veZanu-PF, pamwe naVaGibson Sibanda veMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara. Amai Sekai Holland veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vange vari kuUganda.

Nyaya dzakurukurwa dzinosanganisiraa nyaya dzekuti madzishe asaite zvematongerwo enyika, uye kuti mapurisa asasunge vanhu achitarisa kuti wabuda mumba maani. Vezvekuburitswa kwenhau, kunyanya veHerald ne ZBC, vanziwo vasanyore zvinopa kuti vanhu varwisane.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaDidymus Mutasa, vati musangano uyu wafamba zvakanaka chose. Izvi ndizvo zvataurwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari Executive Director veAfrica Reform Institute, VaTrevor Maisiri, vanoti kunyange hazvo vezvematongerwo enyika vari kuti vafadzwa nemusangano uyu, muromo hauzarirwe nerwizi nekudaro vachaona kunowira tsvimbo nedohwe panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG