Accessibility links

Breaking News

EU Inoti VaMugabe neVamwe Vavo Ngavaratidze Humbowo Hwekuita Zvakanaka


President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010
President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010

European Union inoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo vanopfuura mazana maviri vari pavanhu vakatemerwa zvirango zvekufamba, vakasununguka kuenda mumwe mumwe ku EU kunopa huchapupu hunokodzera kuti vabviswe pazvirango.

EU inotiwo kana paine makambani kana vanhu vane mari iri mumabhanga akavharwa, vakasunungukawo kuenda kudare reEuropean Court kuzopa zvikonzero zvekuti vange vachipihwa mari dzavo.

Asi mutauririri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti zviri kutaurwa neEU hazvina musoro.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti veZanu PF havakwanisi kuenda kuEU nekuti hapana hutongi hwegutsa ruzhinji rwavati varatidza kuvanhu.

Zanu-PF yaimbenge yati haisi kuzozadzikisa zvibvumirano zveGlobal Political Agreement kana kuti GPA kusvika MDC yati zvirango izvi zvibviswe.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kunetsazve sezvo mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vatangazve kuyananisa gakava riri pakati paVaMugabe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai. VaZuma vakatumira kuZimbabwe nhumwa yavo, VaMac Maharaj neChipiri.

VaMaharaj vasangana naVaTsvangirai neChitatu muHarare, asi hapana ari kuziva zvakurukurwa.

XS
SM
MD
LG