Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Chosangana neZvipingaidzo


Chirongwa chekunzwa zvinodiwa nevanhu kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo, chaenderera mberi munzvimbo dzakawanda munyika, kunyange hazvo chirongwa ichi chiri kuvhiringwa nemhirizhonga, uye kushaikwa kwemapurisa anochengetedza runyararo munzvimbo dzakawanda.

MDC inoti nhengo dzayo nhatu dzakapambwa nevanofungidzirwa kuti ndevesangano revasori kuWedza neChina. Mapurisa kuManicaland anonzi akasungawo vaongororori vezvekunyorwa kwebumbiro remitemo vanobva kumasangano akazvimirira oga.

KuKaroi vagari veko vanoti neChina mauto anodarika mazana maviri akafamba achiimba achityisidzira vanhu kuti vanenge vasina kutevedzera zvido zveZanu-PF, vanenge vazvikanda mukanwa mamupere. Kutyisidzirwa uku kuri kuitikawo munzvimbo dzakaita seChinhoyi nedzimwe nzvimbo.

Asi mutauriri wemauto aramba kuti izvi zakaitika. Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, varamba mashoko ekuti vatsigiri vebato ravo vave kuonesa vanhu ndondo. Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti Zanu-PF yavapfuvisa uye vari kuronga kuendesa nyaya iyi kuvakuru vatatu vemapato ari muhurumende nekupambwa kwenhengo dzavo.

VaBlessing Nyamaropa igweta riri kumirira nhengo nhatu dzemasangano akazvimirira dziri muhusungwa. VaNyamaropa vanoti vari kutarisira kuti vatatu ava vachaenda kudare neMuvhuro.

Zvinhu zvinonzi zviri kufamba zvakanaka kuMidlands, munzvimbo dzeLower Gweru Mission, paMakepesi Shopping Centre nekwaChiundura.

VaAmos Chibaya inhengo yeparamende iri kushanda iri mudunhu iri. VaChibaya vanoti zvinhu zvafamba zvakanaka kuMidlands.

Asi misangano inonzi yanonoka kutanga mudzimwe nzvimbo dzekuManicaland nekuti vanhu vanga vasina chekufambisa.

Muzvare Tadziripira Khumalo, avo vari kuongorora zviri kuitika muchirongwa, vanoti zvinhu hazvina kufamba zvakanaka kuManicaland.

Ku Mashonaland Central neMashonaland West, zvinhu zvakafamba zvakanaka kune dzimwe nzvimbo asi vatsigiri veZanu-PF vari kuramba vachivanetsa.

Amai Theresa Makone rimwe ramakurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika. Amai Makone vanoti mapurisa haana mota dzekufambisa ndokusaka vasiri kuenda kune dzimwe nzvimbo.

XS
SM
MD
LG