Accessibility links

Breaking News

Ambassador Ray Votaura Pamusoro peHukama hweAmerica neZimbabwe


President Obama

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, vanoti hapana zvizhinji zvati zvaitwa kuzadzikisa chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Mashoko aVaRay anouya apo nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe dziri kutarisirwa munyika mumazuva mashoma anotevera kuzoyedza kugadzirisa misariridzwa yeGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

Chipangamazano chaVaZuma, Amai Lindiwe Zulu, vatenda kuti vari kugadzirira kutaura nevakuru venyika muZimbabwe kuitira kuti vagadzirise zviri kunetsa.

Ambassador Ray vanotiwo hukama pakati peZimbabwe neAmerica hwave pari nani, sezvo Zimbabwe neAmerica zvava kutaurirana, kwete zvange zvichiitika makore apfuura pavainge vakarimirana kumuganhu.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe atiwo zvinhu zvinofadza kuti mhuri yeZimbabwe iri kunyora bumbiro idzva remitemo yenyika. Ambassador Ray varambawo mashoko ekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevemhuri yavo, vakaiswa pagwaro rine vanhu vanonzi vanoita kana kubatsira zvehugandana kana kudyidzana neAl Qaida.

XS
SM
MD
LG